Accessibility links

Breaking News

Mapato maviri eMDC voendesa mapurisa kumatare edzimhosva pamusoro pekurambidze kuita misangano yawo.


Mapato maviri eMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangira, neimwe inotungamirwa nava Welshman Ncube, anoti ari kuendesa mapurisa kumatare edzimhosva, achida kuti matare aya arambidze mapurisa kuvhiringidza kana kutadzisa mapato aya kuita misangano yawo.

MDC inotungamirwa naVaTsvangirai inoti yaendesa mapepa kuBulawayo High Court nhasi kuti ibvumidzwe kuita misangano yayo. Ukuwo mdc inotungamirwa naVaNcube inoti ichaenderera mberi nemusangano wayo uchaitwa nemugovera kuMakokoba muguta reBulawayo, kunyange hazvo musangano uyu warambidzwa nemapurisa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa. Asi vane ruzivo vanoti mapurisa ari kurambidza mapato aya kuita misangano. MDC yava Ncube inoti Officer – Commanding Bulawayo province, VaSteve Mutamba, vakanyorera bato iri tsamba nezuro vachivaudza kuti vamise musangano wavo, sezvo mapurisa ari kuchira kuti pangangoitike mhirizhonga.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro nemutevedzeri wemutauriri we MDC yavatsvangirai, muzvare khumalo, kuti tinzwe zvizere pamusoro penyaya iyi

XS
SM
MD
LG