Accessibility links

Breaking News

Mapato emuHurumende Obatirana Makano Pamusoro Pekuvadzudzo Mauto neMapurisa


Pari zvino Zanu-PF nemapato e MDC vari kuburitsirana makano pamusoro penyaya iyi. Va Welshman Ncube ve MDC diki vaudza Studio 7 kuti SADC ine simba rekugadzirisa nyaya iyi. Vati SADC inofanira kutemera zvirango kune vakuru vemauto nemapurisa nekuti ndiwo vari kukanganisa zvinhu munyika

Mapato matatu ezvematongerwo enyika ari muhurumende yemubatanidzwa ari kunetsana zvikuru pamusoro penyaya yekuvandudzwa kwemashandiro emauato nemapurisa munyika.

ZANU-PF inoti mauto emapurisa ngavasiiwe vakadaro, ukuwo mapato maviri e MDC achiti mashandiro evanochengetedza munyika ngaagadziriswe.

Mapato aya ari kutarisira kuti SADC izeye nekutsvaga kugadzirisa nyaya iri kunetsa iyi munyika yezve kuvandudza mashandiro emauto nemapurisa.

Pari zvino Zanu-PF nemapato e MDC vari kuburitsirana makano pamusoro penyaya iyi.
Va Welshman Ncube ve MDC diki vaudza Studio 7 kuti SADC ine simba rekugadzirisa nyaya iyi.
Vati SADC inofanira kutemera zvirango kune vakuru vemauto nemapurisa nekuti ndiwo vari kukanganisa zvinhu munyika.

Va Luke Tamborinyoka, mutauriri waVa Tsvangirai anoti mauto anofanira kuchinja maitiro avo nekuti vari kutyisidzira vanhu kuti vasavhotera munhu asiri mu ZANU-PF.

XS
SM
MD
LG