Accessibility links

Breaking News

Imberly Process Inobvumidza Zimbabwe Kutengesa Mangoda Ayo


Mangoda aya achatengeswa paine nhumwe dze KP nguwa dzose.

Kimberly Process yakapa Zimbabwe mvumo yekutengesa mangoda ayo neChina kumusangano wkaitirwa muSt Petersburg kuRussia.

Mvumo iyi yakapihwa mushure mekunge nyika dzose dzawirirana kuti Zimbabwe ipihwe mukana wekutengesa mangoda ayo, asi ichiongororwa nenhumwa dzesangano iri.

America, Canada, European Union nedzimwe nyika dzakanga dzichitsika madziro panyaya yekupa Zimbabwe mvumo dzichiti hurumende yeZimbabwe haisi kuremekedza kodzero dzevanhu kuminda iri kucherwa mangoda kwaChiadzwa.

Mapato ari muhurumende eZanu-PF ne MDC inotungamirirwa naVa Morgan Tsvangirai, atambira nemufaro mashoko ekuti Zimbabwe yazopihwa mvumo ne Kimberly Process kuti itengese mangoda ayo.

Mutauriri weZanu PF, Va Rugare Gumbo, vati bato ravo riri kufara zvikuru nemvumo iyi nekuti ichaunza pundutso munyika.

Ukuwo mutauriri we MDC, Va Nelson Chamisa, vatiwo bato ravo ratambira mashoko aya nemufaro, asi panoda ongororo yakasimba kuitira kuti mari yemangoda ibatsire nyika yose.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaTinoziva Bere, vanotiwo KP inofanirwa kuita rayo nemazvo pakuongororo kucherwa, pamwe nekutengeswa kwemangoda ekwaMarange.

Nhumwe ye KP ku Zimbabwe, Va Abbey Chikane, vanonzi vachange vachibatsirwa nevamwe vavo mu KP pachazotengeswa mangoda aya kaviri gore risati rapera uye kuenderera mberi neongororo yavo yezvinhu zvinofanira kuitwa ne Zimbabwe.

Zimbabwe yanga ichinyimwa mvumo yekutengesa mangoda ayo zvichinzi vanhu vari kushungurudzwa, kupondwa uye kutyorerwa kodzero dzavo pakucherwa kwemangoda aya.

Hurumende yakasunga mukuru weCentre for Research and Development, VaFarai Maguwu, mushure mekunge sangano ravo raburitsa gwaro rinopomera hurumende mhosva yekuita zvehuori pamwe nekutyora kodzero dzevanhu kwaChiadzwa.

Hurumende inoti gwaro iri rinoisvibisa, uye manyepo. VaMaguwu vakaburitswa mutirongo mushure mekubvisiswa mari yechibatiso inosvika chiuru nemazana mashanu emadhora. VaMaguwu vanofanirwa kupota vachizzvipira kumapurisa zuva rega rega, uye havabvumidzwe kubuda maMutare kwemakiromita makumi mana.

XS
SM
MD
LG