Accessibility links

Breaking News

Mapato Ari muHurumende yeMubatanidzwa Ogadzirira Kutangazve Nhaurirano


Mapato ari muhurumende yemubatanidzwa anoti ava kugadzirira kutanga zvakare nhaurirano dzekuedza kugadzirisa zvichiri kunetsa muhurumende iyi.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti nhaurirano idzi dzichatanga mukupera kwesvondo rinouya.

Nyaya dzichiri kunetsa pakati pemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, dzinosanganisira nyaya yagavhuna webhanga guru renyika, muchuchisi mukuru wehurumende, kudomwa kwemagavhuna ematunhu pamwe nekugadzwa kwemubati wehomwe mu MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, Va Roy Bennett, semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

Va Renson Gasela ndivo mutevedzeri wemutauriri we MDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara. VaGasela vanoti nhaurirano idzi dzinofanirwa kuchipedzwa zvachose, kuitira kuti nyika ifambire mberi.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, Muzvare Thabitha Khumalo, vanoti bato ravo rinoda kuti zvichiri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa, zvigadziriswe nehimbichimbi.

SADC inotiwo nyaya dzasara dzichiri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa, dzinofanirwa kugadziriswa nechimbichimbi.

XS
SM
MD
LG