Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vonetseka Kuwana Magwaro Anokosha


Elasto Mugwadi, Zimbabwe Human Rights Commission chairman, says President Robert Mugabe’s government is keen on resettling Chingwizi refugees but lacks the necessary resources to do so. (S. Mohfu/VOA)
Elasto Mugwadi, Zimbabwe Human Rights Commission chairman, says President Robert Mugabe’s government is keen on resettling Chingwizi refugees but lacks the necessary resources to do so. (S. Mohfu/VOA)

Vagari vazhinji mudunhu reMasvingo vanoti vari kunetsekana zvikuru kuti vawane magwaro akaita seekuzvarwa, zvitupa pamwe nemapasipoti. Izvi zvabuda pamusangano wakarongwa neZimbabwe Human Rights Commission.

Vagari vazhinji mudunhu reMasvingo vanoti vari kunetsekana zvikuru kuti vawane magwaro akaita seekuzvarwa, zvitupa pamwe nemapasipoti. Izvi zvabuda pamusangano wakarongwa neZimbabwe Human Rights Commission

Vachitaura pamusangano wekunzwa matambudziko anosangana neveruzhinji pakutorwa kwemagwaro aya, vazhinji vati vana vavo vari kutadza kuenda kuzvikoro nekushaikwa kwemagwaro anodiwa kumaruwa.

Sadunhu Nyamutake, VaMaxwell Chaminuka, vati vagari vekumaruwa vari kukundikana kutora magwaro ekuberekwa kwevana vavo nenyaya yekuoma kwehupenyu.

Mumwe mugari, VaDonald Mugwagwa, vatiwo vari kutadza kutora gwaro rekuberekwa remwana wavo nekuti vakasiyana nemudzimaai wavo uyo wavasingazivi kuti aripi nekuti mutemo hautendedzi kuti mwana atoreswe magwaro aya pasina amai vake.

Ambuya Sibongile Masukume vekuMwenezi vati vari kutadza kutorera muzukuru wavo gwaro rekuberekwa kuti aende kuchikoro uyo vakasiirwa nevabereki vake vakaenda ku South Africa uko vakarovera ikoko.

Vamwe vagari vachema chema kuti hofisi yekunotorwa zvitupa haisi kuvabata zvakanaka uye inoita chioko muhomwe kuti vanhu vawane magwaro avanenge vachida nechimbi chimbi.

Amai Esther Nyambiya, vesangano re Masvingo United Residents and Rate Payers Alliance, vapa humbowo vakamirira vagari. Vati mapasipoti haachatoreki zvichinzi hurumende haina mari yekuagadzira.

Sachigaro veZimbabwe Human Rights Commission, VaElasto Mugwadi, vati vatambira zviri kunetsa vanhu, izvo vati zviri kutyora kodzero dzavo dzekuwana magwaro.

VaMugwadi vati vari kuita ongororo iyi kuti vaone matambudziko ari kusangana nevanhu mukodzero dzavo dzekuwana magwaro aya sezviri mumitemo yenyika.

Vachipawo humbowo kukomisheni, mukuru webasa muhofisi inopa vanhu magwaro mudunhu reMasvingo, Amai Stembeni Chitsa, vati vari kuzama nepavanogona napo kuti vanhu vawane magwaro nyore.

VaMugwadi vati vachanyora gwaro richapihwa hurumende kuti igadzirise matambudziko ari kusangana neveruzhinji sezvinodiwa nembumbiro remitemo yenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG