Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vochema Chema Sezvo Munyika Muri Kupisa Zvinotyisa


Vanhu vakawanda muChinhoyi vanoti zviri kunetsa kurarama nekupisa kukuru kuri kuitia munyika izvo zviri kuita kuti vanwe mvura inopisa sezvo mafirigi avo asiri kushanda nepamusana pekushaikwa kwemagetsi kwenguva yakareba.

Mumwe mugari mumumusha unogara veruzhinji weChikonohono, Amai Keresenzia Chapota, vanoti vari kuomerwa nehupenyu sezvo kunze kuri kupisa zvakanyanyisa.

Amai Chapota vanoti kubasa vanoshingirira kunwa mvura inodziya zvimwechete nekumba kwavanoti mafiriji haasi kushanda nekuda kwekushaikwa kwemagetsi.

Mumwe mugari, Muzvare Tafadzwa, vanotiwo dzimwe nguva vanomanikdzwa kutenga mvura sezvo kumba kwavo, pamwe nekubasa kwavanoshanda kunenge kusina mvura.

Muzvare Tafadzwa vanofunga kuti kusawana mvura yakakwana munguva yekupisa kwakadai kwave kuvakonzeresa kurwadziwa nemusoro.

Mumwe mugari, VaTendai Kwaviro, vanoti vave kufamba nechigubu chemvura yekunwa mumotokari mavo senzira yekugara vakatonhodza muviri wavo.

Vagari vakawanda vemuChinhoyi vanoti nguva yekurara yemanheru iri kurwadza sezvo vari kurumwa nehumhutu nekuda kwekuti vanenge vasina kufuga magumbeze uye vasina kupfeka.

Amai Chapota vanoti vave kupisa makireti emazai senzira yekudzinga humhutu manheru vave kurara, asi vari kutyira kuti hutsi hwacho hunogona kuvarwarisa mune ramangwana.

Vanhu vakawanda vari kufamba vachinwa mvura kana zvinwiwa zverudzi rwePepsi iyo vakawanda vari kuti iri kutengwa nemutengo wakaderera zvichienzaniswa nezvimwe zvinwiwa.

Sangano renhabvu rePremier Soccer League riri kukurudzira vatambi kunwa mvura mushure mekutamba bhora kwemaminetsi makumi maviri ega ega, kwave kunzi -water break.

Mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West, Dr Wensilous Nyamayaro, vanoti hapana hurwere hwati hwaziviswa kubazi ravo kuburikidza nekupisa kuri kuita kunze, asi vanokurudzira vanhu kunwa mvura yakawandisa uye kuti vanhu vapfeke nguwani dzekudzivirira kupiswa nezuva mumusoro.

Mukuru mubazi rezvemamiriro ekunze, VaTich Zinyemba, vanoti vanhu vanofanirwa kunwa mvura nguva dzose, uye kupfeka ngohwani.

Bazi reMet Department rinoti kupisa kuri kuitika munyika yose kuchaitika kwemazuva mashanu.

Kupisa uku kunonziwo kurim kuitika munyika dzakapoteredza Zimbabwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG