Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Inoda Kuvhara Nhepfenyuro dzeKunze


Supa Mandiwanzira
Supa Mandiwanzira
Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko nemabasa ekutepfenyura, VaSupa Mandiwanzira, vabvuma mudare reseneti kuti vanhu muZimbabwe vari kuteerera nhepfenyuro dzinotepfenyura dziri kunze kwenyika dzakaita seStudio 7 nekuti havana dzimwe nhepfenyuro dzavanokwanisa kuteerera munzvimbo dzavanogara,

Vachipindura mibvunzo kubva kunhengo dzedare iri wekuti bazi ravo riri kuitei panhepfenyuro idzi, VaMandiwanzira, avo vanova zvakare muridzi weZiFM, vati marhedhiyo nematerevhizheni eZimbabwe Broadcasting Corporation pamwe neStar FM haanzikwe kunzvimbo zhinji munyika izvo zviri kuita kuti veruzhinji vateerere nhepfenyuro dzekunze.

VaMandiwanzira vatiwo nhepfenyuro idzi dzinonyomba hurumende uye dzinofanira kuvharwa. Asi vati izvi zvinonetsa kuita kana nhepfunyoro dzeZBC nedzimwe dzemuno dzisinganzikwe munzvimbo dzese munyika.

Vatiwo nyaya yekushaikwa kwenhepfenyuro dzakasiyana siyana munyika ndikowo kuri kuita kuti vanhu vateerere nhepfenyuro dzekunze nekuti dzinopa vanhu mukana wekunzwa nyaya dzakasiyana siyana.

Asi VaMandiwanzira vati hurumende iri kushanda nesimba kuitira kuti nhepfenyuro dzekunze dzivharwe. Vatiwo vakapa kambani yeTransMeida simba rekuti iise michina inoita kuti nhepfenyuro dzemuno dzinzikwe mumatunhu ese munyika.

Zvichakadai, Ishe Musarurwa vekuMashonaland Central vakumbirawo bazi rezvekuburitswa kwemashoko kuti rinone zvaringaite nemadandemutande akaita se whatsapp, nebepanhau reH-Metro izvo vati zvave kushandiswa kuburitsa zvinhu zvisingaenderani netsika dzevatema zvakaita sekuburitsa mifananidzo yevanhu vasina kupfeka.

VaMandiwanzira vavimbisa kugadzirisa nyaya yemapepanhau asi vati Ishe Musarurwa vanofanira kuwana rubatsiro kubva kugurukota rinoona nezvehunyanzvi mukufambiswa kwemashoko nemichina yechizvinozvino, VaWebster Shamu.

Mune imwewo nyaya, gurukota rezvedzidzo yepasi, VaLazarus Dokora, vaudza seneti kuti nyaya yenzara yave kuvhiringa dzidzo munyika uye kune dzimwe nzvimbo vana vave kutadza kuenda kuzvikoro.

Vatiwo shuviro yavo ndeyekuti dai vana vapihwa chikafu muzvikoro zviri mumatunhu ane nzara.

VaDokora vati pari zvino bazi ravo harina mari yekubatsira vana nechikafu muzvikoro.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG