Accessibility links

Breaking News

Mutumbi waVaMandela Unoonekwa Kekupedzisira muPretoria


Mazuva matatu ekuona mutumbi wevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaNelson Mandela, apera neChishanu vanhu vakawanda vachinzi vatadza kuona mutumbi uyu.

Mutumbi uyu uchaendeswa neMugovera kumusha kwavo ku Qunu, Eastern Cape, uko uchanoradzikwa neSvondo.

Pavarwa chirongwa chekuonekwa kwemutumbi waVaMandela, vanhu vanosvika zviuru zana vange vaona mutumbi waVaMandela kubva pakatanga chirongwa ichi nemusi weChitatu.

Mutumbi waVaMandela wasvika paUnion Buildings muPretoria mangwanani, ndege dzemapurisa nemasoja dzichiita ruzha dziri pamusoro pezvivakwa.

Mushure maizvozvo, paimbwa rwiyo rwenyika mutumbi usati wabudiswa mumotokari paunoonekwa neruzhinji.

Vanhu vakawanda vatadza kusvika pange paine mutumbi uyu sezvo mitsetse yange ichakareba zvikuru panguva yekuvharwa kwechirongwa ichi.

Mumwe weavo vatadza kuona mutumbi waVaMandela, Muzvare Emelia Wakaba, vanoti varwadzikana zvikuru.

Gurukota mumahofisi emutungamiri wenyika, Va Collins Chabane, vanoti hurumende yange ichida chose kuwanisa munhu wese nguva yekuonekana naVaMandela asi huwandu hwevanhu ndihwo watadzisa kuti izvi zviitike.

Vawana nguva yekuona mutumbi waVaMandela kekupedzisira, vanoti vabaiwa mumoyo, sekutaura kwaVaStone Sepenyane, avo vanoti chiso chaVaMandela chichagara chiri mupfungwa dzavo.

VaChibane vanoti mangwana mutumbi waVaMandelaa uchatakurwa nendege kuendeswa kunhandare yendege yeMthatha, wozotakurwa nemotokari kubva ipapo kuendeswa kumusha kwavo kuQunu, ku Eastern Cape uko kwavachavigwa musi weSvondo.

VaMandela vakashaya neChina svondo rapera mushure mekurwara kwenguva yakareba. Vafa vava nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu, uye vasiya mudzimai, Graca Machel, vana nevazukuru.

Nyaya Ina Benedict Nhlapho
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG