Accessibility links

Breaking News

Makurukota eEuropean Union Anotsigira Kuwedzerwa kweZvirango


Makurukota aya anoti kunyange hazvo Zimbabwe yava nehurumende yemubatanidzwa hapana zvichinji zvati zvachinja.

Makurukota anooona nezve kunze kwenyika musangano reEuropean Union, kana kuti EU, atsigira danho rakatorwa nemakurukota ezvedzidzo svondo rapera rekuwedzera negore zvirango zvakatemerwa mutungamiriri wenyika, Va Robert Mugabe, nevamwe vavo muZanu-PF.

Makurukota aya anoti kunyange hazvo Zimbabwe yava nehurumende yemubatanidzwa, hapana zvizhinji zvati zvachinja munyaya dzekugadzirisa kuti nyika ive nehutongi hwejekerere.

Mugwaro ravakaburitsa kuBrussels, makurukota aya anotizve chimwe chakaita kuti zvirango izvi zvienderere mberi, kusaremekedza mitemo, kodzero dzevanhu, kusapa mutungamiriri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, masimba ekutonga muhurumende uye kusachengetedza kodzero dzevanouyisa mari yavo munyika nezvimwe zvakadaro.

Vanotizve EU yakagadzirira kubvisa zvirango izvi kana VaMugabe nevamwe vavo vakatanga kushanda naVa Tsvangirai zvakanaka.

Professor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezvematongerwe enyika, uye vachishanda semudzidzisi paUniversity of Zimbabwe. VaMakumbe vanoti EU yakagona mukuwedzera zvirango izvi kwegore nekuti zvinhu hazvisati zvachinja muZimbabwe.

XS
SM
MD
LG