Accessibility links

Breaking News

Makanzura e MDC Anombochengetedzwa neMapurisa kuChinhoyi


Makanzura aya, Va Fanni Tembo pamwe naVa Emmanuel Chinanzvavana, vakatorwa nemapurisa mangwanani eChipiri ndokuendeswa kuChinhoyi uko vanobvunzurudzwa pamusoro penyaya iyi.

Makanzura maviri eMDC mukanzuru yeBanket ambochengetedzwa zuva rese nemapurisa achibvunzurudzwa nezvekupambwa kwakanzura weZanu-PF muguta iri, Va Lancerot Zvirongwe.

Makanzura aya, Va Fanni Tembo pamwe naVa Emmanuel Chinanzvavana, vakatorwa nemapurisa mangwanani eChipiri ndokuendeswa kuChinhoyi uko vanobvunzurudzwa pamusoro penyaya iyi, ndokubva vazoregedzwa.

Zvinonzi mapurisa kana ava kuda kuti vapinde mudare, achadzokera zvakare kuvarume ava. Studio7 haina kukwanisa kutaura nemapurisa ekuChinhoyi, kanawo eku Banket.

Va Tembo vanoti nyaya iyi yakatanga mushure mekunge vafonerwa na Public Administrator we Mashonaland West, Va Christopher Shumba, vachivabvunza kuti vainga vaisa kupi Va Zvirongwe.

VaTembo vakakunda Va Zvirongwe musarudzo dzekanzura wemuwadhi iyi, asi VaZvirongwe vakazoiswa mukanzuru negurukota remataunhu, Va Ignatius Chombo, zvinova zviri kukonzera mutauro mukanzuru.

XS
SM
MD
LG