Accessibility links

Breaking News

Makakatanwa muAnglican Church Ovhiringa Nherera kwaMurehwa


Makakatanwa ari muAnglican Church ari kuramba achienderera mberi izvo zvava kuisa nherera dzinochengetwa nechechi iyi panguva yakaoma.

Divi raBishop Nolbert Kunonga rinonzi riri kuda kuburitsa nherera dziri ku Shearley Cripps Children's Home kwaMurehwa richishandisa mutongo wakapihwa mwedzi uno naJustice Godfrey Chidyausiku wekuti ndivo vanofanira kufanochengetedza dzimba dzeHarare Diocese kusvika nyaya yezvivakwa iyi yapera mumatare.

Diri kupikisa VaKunonga, re Anglican CPCA, kana kuti Church of the Province of Central Africa, richitungamirwa naBishop Chad Gandiya, rinoti rakakwidza nyaya iyi kudare repamusoro soro, kana kuti Supreme Court, kuti igare seConstitutional Court mukutarisa mutongo wakapihwa.

Vari pasi paVaGandiya vanoti vari kushamiswa kuti Va Kunonga vava kushandisa mapurisa kubvisa nherera, vafundisi, kuitira kuti vaise vanhu vavo.

Pa Shirley Cripps pane nherera zana, pamwe nenhengo dzechechi.

VaKunonga vaudza bepanhau re Herald kuti svondo rino vakaburitsa zvine chisimba mumwe mufundisi wechechi iyi, Va Muyengwa Murombedzi, Va Denford Javangwe nevakoti vepa Daramombe Mission kuChivhu vachishandisa mutongo waVa Chidyausiku.

Ukuwo mapurisa anzi nedare aburitse muhusungwa Reverend Julius Zimbudzana kudzamara ava nehumbowo hwakati tsvikiti hunoroverera VaZimbudzana nemhosva yavari kupomerwa.

Va Gandiya vati vazhinji munyika, kunyange vasiri vechitendero chavo, vari kutambudzika zvikuru nekudzingwa pamwe nekumbunyikidzwa kuri kuitwa nhengo dzavo naVa Kunonga nevamwe vavo.

Mutauriri waVaKunonga, Bishop Alfred Munyanyi, vati divi ravo richaenda kwese munyika nedzimwe nyika dzakaita seZambia neMalawi kunotora zvivakwa zvavanoti zviri pasi pe Harare Diocese izvo vakanzi vafanobata nemutongo wedare kusvika nyaya iyi yapera.

XS
SM
MD
LG