Sangano idzva remagweta rinonzi Zimbabwe Institute of Compensate Law Trust kana kuti Zimclaw Trust rinoti rakazvipira kuona kuti varwere vose vakatyorerwa kodzero dzavo pakurapwa varipwa.
Mumwe ari kumiririrwa nemagweta aya ndiCourage Mambingadya uyo akaremara zvekutadza kuita kana chinhu mushure mekunge aenda kunorapwa kuchipatara cheParirenyatwa muna 20014.
Courage anonzi akaenda kuchipatara ichi kunorapwa mushure mekutadza kufema. Amai vake, Amai Chipo Samoyo vanoti vakangonzwa kuti mwana wavo akadonha achirapwa ndokukuvara zvakaipisisa.
Vatiwo mwana wavo akagara kwemwedzi inodarika miviri asingakwanise kana kupfakanyika zvokuti akange aakufema nemichina yemuchipatara.
Nyaya yaCourage ndiyo yedzimwe dzakawanda dzakaita kuti kuumbwe sangano reZimclaw Trust rinotungamirirwa naMuzvare Loretta Makumbe avo vanoti donzvo ravo ndere kukukurudzira nekuchengetedza kodzero dzevarapwi uye kuti vawane kuripwa kana zvikaonekwa kuti vakatadzirwa.
Muzvare Makumbe vanoti vakatanga kuita tsvagurudzo maererano nezvenyaya dzekutadzirwa kuri kuitwa varapwi kubva muna Zvita gore rapera.
Vati vane donzvo rokushanda nehurumende nokuti vanachiremba vanomboshanda vasina zvikwanisiro zvinopa kuti vazoguma varamwa mabasa.
Muzvare Makumbe vanotiwo vanachiremba vanofanira kuisa kodzero dzevarwere kumberi nokuti kune vari kufa kana kuremara pavanenge vachiratidzira.
Asi mune imwe hurukuro neStudio 7 nenyaya dzekuratidzira, mutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association Doctor Peter Magombeyi vanoti vanonzwisisa zvichemo zvevarwere asi naivo vari kuomerwa zvekutokundikana kuenda kubasa kwacho vachiti mari yavari kutambira ishoma.
Sangano reZimclaw Trust richaita basa rose iri pasina muripo zvokuti parakatangisa basa zvizere mwedzi wapfuura paiva nemagweta gumi nemashanu kunyangwe paine vakawanda vanoti vanodawo kupinda musangano iri.
Kunyangwe hazvo paine sangano rinoti rinoita izvi reMedical And Dental Practitioners Council of Zimbabwe, vakawanda vanoti zvinonetsa kuvimba naro sezvo riri ravanachiremba.
Studio 7 yakaedza kutaura nemukuru weMedical And Dental Practitioners Council of Zimbabwe, Amai Josephine Mwakutuya asi vakati vanoda kuita zvekutumirwa mibvunzo. Hatina kukwanisa kuita izvi pataenda pamhepo.
Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru mubazi rezvehutano Dr Robert Fungai Mudyiradima vanoti hapana zvavanoziva maererano nezvenyaya yaCourage. Asi vavimbisa kuti vachanoongorora nyaya iyi nenyanzvi dzehutano dzekuParirenytwa Hospital kuti vanyatsonzwa kuti chii chaizvo chakamboitika kumwanakomana uyu.
Aka hakasi kekutanga nyaya dzakaita sedzaCourage dzichiendeswa kumatare, muna 1999, Dr Richard McGown vakatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu.
Izvi zvakaitika mushure mekunge vabatwa nemhosva yekuuraya vana vaviri mumwe ane makore gumi nemumwe ane makore maviri nekuvapa mushonga wekukotsirisa kana kuti morphine wakawandisa pane wakatarwa.
Dr McGown vakanzi varipezve mari inosvika churu chemadhora nemazana maviri nemakumi mashanu kana kuti US$1,250 pamwana wega wega.
Zvichakadaro, dare reparamende riri mubishi kuyedza kuzeya mutemo wekuranga vanachiremba vanenge vatadza kuita basa nemazvo vachiisa varwere munjodzi.
Facebook Forum