Accessibility links

Breaking News

Mafuta eKufambisa Dzimotokari Oshaikwa muNyika


Pane mashoko ekuti Zimbabwe yasara nemafuta ekufambisa dzimotokari asara munyika anokwana svondo rimwe chete chete sezvo Reserve Bank of Zimbabwe iri kutatarika kuwana mari yekunze yekupa vemagaraji kuti vatenge mafuta aya.

Mune dzimwe nzvimbo dzakawanda munyika, motokari dzakawanda dzange dziri mumutsetse dzichitsvaga mafuta peturu nedhiziri.

Izvi zviri kuitika kunyangwe hazvo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakazivisa vanhu kwaZvimba, Mashonaland West neMugovera kuti mafuta aya harisi dambudziko.

Hurumende yakambozivisawo kuti yainge yawana chikwereti chekutenga mafuta. Hatina kukwanisa kubata gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya kuti tinzwe divi ravo sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Gurukota rezvemhando dzemoto Doctor Joram Gumbo vanoti zvinhu zvinenge zvisina kumira zvakanaka kuRBZ panyaya yemari. Vati izvi zviri kukonzerwa nenyaya yekuti zvinhu zvinoda mari yekunze zvawandisa.

Mashoko aya atsinhirwawo negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube avo vati mari yave kushomeka sezvo RBZ yave kubhadhara mari dzakawanda kune vanochera goridhe neplatinum. Vamwe vemakambani ekunze akaita seRio Zimbabwe vange voendesa RBZ kumatare idzimhosva nekukundikana kuvapa mari dzavo.

Hurukuro naVaJoram Gumbo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG