Accessibility links

Madzimai mu ZANU-PF ne MDC Anowirirana Kurwisa Mhirizhonga

  • Sandra Nyaira

Amai Gombami-Dube vanoti chava kudiwa iko zvino, kuti madzimai ari mumapato ari muhurumende, aratidze kuti vanokoshesha zvavakawirirana kuti madzimai asimudzirwe

Madzimai mumapato ese ezvematongerwe enyika ari muZimbabwe anoti ari kushanda pamwe chete kukurudzira kusimukira kwemadzimai munyika, kupedza mhirizhonga nezvimwe zvinovapingaidza muhupenyu.

Izvi zvabuda mushure mekunge madzimai emapato matatu aya nemasangano akazvimirira oga aita musangano nemamwe madzimai emu Africa mu Harare svondo rino vakabuda nezvisungo zvekuti madzimai abatane zvakasimba mukutsvaga zvinovasimudzira muhupenyu.

Amai Gladys Gombami-Dube mumwe ndivo chief whip we MDC inotungamirirwa naVa Morgan Tsvangirai mudare re Senate uye vakapindawo mumusangano uyu.

Amai Gombami-Dube vanoti chava kudiwa iko zvino, kuti madzimai ari mumapato ari muhurumende, aratidze kuti vanokoshesha zvavakawirirana kuti madzimai asimudzirwe.

XS
SM
MD
LG