Accessibility links

Breaking News

Korera Inouraya Vanhu 136 Gore Rino


Bhazi rezvehutano rinoti chirwere chekorera chatanga kunetsa zvakare munyika zvikuru mumatunhu eManicaland neMasvingo.

Mukuru weEpidemology and Disease Control, mubazi rezvehutano, Dr Portia Munangazira, vanoti pari zvino kwafa vanhu vanosvika makumi matatu nevatanhatu gore rino kubva pavanhu mazana maviri nemakumi manomwe ane vatatu vakabatwa nechirwere ichi munyika yose.

Asi bhazi rezvehutano rinoti ongororo yaro iri kumashure zvekuti huwandu hwevanhu vafa kana kubatwa nechirwere ichi hunogona kunge hwadarika hwavari kuziva.

Dr Munangadzira vanoti svondo rapera vanhu vashanu vakafa nechirwere ichi kuChiredzi mudunhu reManicaland. Vatiwo vanhu vasere vakafa kwaRusito kuManicaland kwakare, vanhu gumi nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi, kusanganisira vakafa vacho.

Hurumende inoti vanhu vane vana vari kunyanya kubatwa nekorera vana vevanhu vechitendero chemapositori.

Muna 2008 na 2009 vanhu vanosvika zviuru zvina vakafa nekorera munyika yose.

XS
SM
MD
LG