Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika iri kukumbira imwe mari yekuwedzera muchirongwa ichi inoita mamiriyoni matatu emadhora eku America. Mari iyi ndeye kubhadhara vanhu mari dzekubatsirikana apo vanhu vari kunzwa pfungwa dzevanhu vanenge vari pamabasa avo.
Mari iyi inonziwo ichashandiswa mukutenga mishina ionoshandiswa muchirongwa ichi.
Mumwe wemasachigaro ekomiti iyi, VaDouglas Mwonzora, vanotiwo vakumbira mutungamiri wemamapurisa, VaAugustine Chihuri, kuti mapurisa achengetedze runyararo uye vapfeke nhumbi dzavo dzepabasa kana vari kumisangano yechirongwa ichi.
Zvinhu zvinonzi hazvina kumira zvakanaka kuBindura mudunhu reMashonaland Central, uko vasori vari kunzi vari kumanikidza vanhu kutaura zvinoenderana nezviri kudiwa neZANU-PF.