Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anopiwa Mari Yekushandisa paKunyorwa kweBumbiro Idzva


Komiti yeparamende iri kutungamira hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva inoti yawirirana nemapurisa kuti vange vachichengetedza runyararo panotanga chirongwa ichi.

Komiti iyi inoti mapurisa achipihwa nehurumende mari inoita US$350 000 yekushandisa pahurongwa uhu. Mapurisa akanga ati haakwanise kushandisa mari yawo kubva mubhajeti kuita basa rekuchengetedza runyararo pakunyorwa kwebumbiro idzva.

Mumwe wemasachigaro ekomiti yepamende iri kutungamira hurongwa uhu, VaDouglas Mwondzora, vanoti hurumende yabvuma kupa mapurisa mari kubva muhomwe mayo, kwete inobva pamari iri kushandiswa mukunyora bumbiro idzva remitemo yenyika.

VaMwonzora vanotiwo hurongwa hwekupinda muvanhu hwava kutarisirwa kutanga mwedzi unouya.

Pasi pechibvumirano cheGlobal Political Agreement, hurumende yemubatanidzwa inosungirwa kunyora bumbiro idzva remitemo yenyika mukati memwedzi gumi nemisere kubva pakagadzwa hurumende iyi.

Kana izvi zvichinge zvaitwa, panofanirwa kuitwa referendamu yekuona kuti vanhu vanotambira here kana kuti kwete bumbiro iri.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti hurongwa uhu huchatadza kupera munguva yakatarwa muchibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa.

Asi komiti iri kutungamira hurongwa uhu inoti inokwanisa kuita basa rayo mukati menguva yakatarwa neGPA.

XS
SM
MD
LG