Accessibility links

Breaking News

Komiti yeParamende Inorambidzwa neMapurisa Kupinda kwa Marange


Komiti yeparamende inoona nezvemigodhi yarambidzwa zvakare neChitatu nemapurisa kushanyira muzinda wekambani inochera mangoda kwaChiadzwa, yeCanadile kwaMutare.

Nhengo dzekomiti dzarambidzwa zvakare nemapurisa kupinda muminda yemangoda ekwaChiadzwa. Komiti iyi iri kuongorora zviri kuitika panyaya yemangoda ekwaMarange.

Sachigaro vekomiti iyi, VaChindori Chininga, vanoti vachataura zvaitika kana vadzokera kuHarare.

Asi imwe nhengo yekomiti iyi, uye vari mumiriri weChipinge West mudare reparamende, VaMoses Mare, vanoti kunyange hazvo vatadziswa kuita basa ravo nemapurisa, izvi hazvisi kuzovamisa kuita basa ravo ravakapihwa neparamende.

Zvinonziwo gavhuna weManicaland, Va Chris Mushowe, vanyorawo tsamba yekuti chikwata cheparamende ichi chisabvumidzwe kuenda kwaMarange, nekuti mangoda ari munzvimbo iyi, akangomwararira zvekuti nhengo idzi dzinogona kuanhonga.

Asi VaMari vanoti havasi kufara nemabatirwo avaitwa, uye hapana munhu ane simba rekuvatadzisa kuita basa ravo.

Mutungamiriri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vakaita musangano mazuva apera nemakurukota pamwe nemasachigaro emakomiti eparamende vachiedza kugadzirisa mashandiro avo.

Mutauriri waVa Tsvangirai, Va James Maridadi, vaboti nyaya yekurambidzwa kupinda kwekomiti iyi kwaMarange inyaya diki inofanira kugadziriswa negurukota remigodhi, VaObert Mpofu.

Nyanzvi dzinorwira kodzero dzevanhu dzinoti zviri kuitwa nevamwe vanhu muhurumende yemubatanidzwa zvekurambidza komiti iyi kuita basa rayo, zvinoratidza kuti mitemo yemunyika haisi kuremekedzwa. nyanzvi idzi dzinoti komiti yeparamende ine masimba ekuita zvose zvainenge yanzi iite, pasina munhu anoitadzisa.

Va Dewa Mavhinga ndichipangamazano musangano re Human Rights Watch. VaMavhinga vanoti kurambidzwa kupinda kwa Marange kwaitwa komiti iyi kunoratidza kuti pane zvakawanda zviri kuvanzwa.

XS
SM
MD
LG