Accessibility links

Breaking News

Misangano yeCopac muHarare Yokonzera Mitauro


Komiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, kana kuti Copac, yabvumirana kuti muHarare munogona kuitwa misangano inodarika mumwe chete pawadhi yega yega zvichienderana nemakuriro anenge akaita wadhi yacho.

Mashoko aya ataurwa nemumwe wemasachigaro ekomiti iyi, Va Douglas Mwonzora, mushure mekuita musangano nemapato ose ari muhurumende yemubatanidzwa. Izvi zvinotevera kupikisa kweZanu PF pahurongwa hwemuHarare, iyo yanga ichida kuti paitwe musangano mumwe chete pawadhi yega yega. VaMwonzora vati nzvimbo dzichaitirwa misangano yeCopac dzichashambadzwa.

Misangano yeCopac inonzi yava kusvika kumagumo kwechirongwa chekunzwa pfungwa dzavanhu mumatunhu akasiyana siyana kuitira kuti nhengo dzeCopac dzinge dziri muHarare nemuBulawayo mukupera kwesvondo. Asi matunhu eMidlands neManicaland anonzi haasi kuenda kunoshanda muBulawayo neHarare nekuti haasati apedza kuita basa rawo.

Mutungamiri weCopac kuMidlands, VaAmos Chibaya, vanoti vachapedza kuita basa ravo musi wa27Gunyana, nokudaro havagoni kusiya basa riri munzira vachimboenda kuBulawayo neHarare.

XS
SM
MD
LG