Accessibility links

Breaking News

Kodzero dzeNgochani Dzokonzera Mutauro


Mutungamiriri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vanoti vanotsigira kodzero dzengochani kana veruzhinji vakatambira kuti dzive mubumbiro idzva remitemo yenyika.

Asi ZANU PF, kuburikidza negurukota rezvemitemo, Va Patrick Chinamasa, pamwe nemutauriri we ZANU PF, VaRugare Gumbo, vari kushoropodza VaTsvangirai vachiti hakuna zvakadaro zvichaitika munyika nekuti vana veZimbabwe havatsigiri nyaya iyi.

VaTsvangirai vakaudza BBC kuti kunyange hazvo Zimbabwe ine tsika dzisingatsigiri nyaya iyi, ivo vakaita mutungamiriri wenyika, vanenge vachitsigira kodzero dzengochani kana dzaiswa mubumbiro idzva remitemo yenyika. Asi VaChinamasa vaoudzawo BBC kuti VaTsvangirai vari kutaura maroto.

Asi gore rapera, VaTsvangiarai vakambotsigira VaMugabe kumusangano wemadzimai kuChitungwiza kuti havatsigiri kuroorana kwevanhurume kana vanhukadzi munyika.

Mutauriri waVa Tsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vanoti vemapepanhau havasi kunzwisisa zviri kutaurwa naVaTsvangirai. Vati ikodzero yevana veZimbabwe mubumbiro ravo idzva kuti vasarudze zvavanoda.

Mukuru wesangano re Gays and Lesbians of Zimbabwe, VaChesterfield Shamba, vanoti VaTsvangirai vanofanira kumira nechinhu chimwe chete panyaya yekodzero dzengochani.

XS
SM
MD
LG