Accessibility links

Breaking News

Kimberly Process Yozeya Nyaya yeMangoda emuZimbabwe


Nhumwe dze KP dzakaenda kuZimbabwe dzapa gwaro radzo dzichiti Zimbabwe yakaedza kuita zvinodiwa ne KP, asi pachine basa guru rinoda kuitwa – izvi zvinosanganisira kubvisa masoja ose munzvimbo yekwa Marange, kumisa kuburitswa kwemangoda zvisiri pamutemo nekusambunyikidzwa kwevanhu

Musangano we Kimberly Process watanga neMuvhuro muJerusalem kuIsrael uchizeya makakatanwa aripo panyaya yekuti Zimbabwe yopihwa mvumo here yekutengesa mangoda ekwaMarange pasina vaongorori veKimberly Process.

Nhumwe dzeKP dzakaenda kuZimbabwe dzatanga kupa gwaro radzo dzichiti Zimbabwe yakaedza kuita zvinodiwa neKP, asi pachine basa guru rinoda kuitwa. Zvinoda kuitwa zvinosanganisira kubvisa masoja ose munzvimbo yekwa Marange, kumisa kuburitswa kwemangoda zvisiri pamutemo, kusambunyikidzwa kwevanhu, uye nyaya yekuti hurumende ishande pamwe chete nemasangano akazvimirira ega munyaya dzekwa Marange.

Ukuwo Human Rights Watch yaburitsa gwaro ichiti KP haifaniri kupa Zimbabwe mvumo yekutengesa mangoda pachena.

Gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, vati Zimbabwe ichatengesa mangoda ayo kunyange KP ikainyima mvumo kupera kwesvondo rino.

VaMpofu vakaenda nevanonzi vaimirira masangano akasiyana siyana anosanganisira Va Paddington Japa Japa, muzvinabhizinesi Goodison Nguni, pamwe nemutungamiri we Affirmative Action Group, VaSupa Mandiwanzira.

KP inonzi yatambira Va Shamiso Mtisi, gweta rekwaMutare riri musangano reZimbabwe Environmental Lawyers Association, kuva mumiriri wemasangano akazvimirira oga muZimbabwe muKP.

Asi Va Mpofu vanonzi varamba kutambira zvaitwa ne KP vachiti vainga vasina kubvunzwa pfungwa dzavo sehurumende uye vachiti havazivi VaMtisi.

Va Dewa Mavhinga ndivo regional coordinator ve Crisis in Zimbabwe Coalition. VaMavhinga vanoti Zimbabwe haifaniri kupihwa mvumo yekutengesa mangoda aya kana isati yaita zvese zvinodiwa ne KP zvinosanganisira kubvisa mauto kwaMarange.

XS
SM
MD
LG