Accessibility links

Breaking News

Kimberly Process Yozeya Nyaya yeMangoda eZimbabwe kuRussia


Musangano uyu uri kuenderera mberi ku St Petersburg mu Russia uko nhengo zhinji dziri kuti Zimbabwe ngaipihwe mvumo yekutengesa mangoda ayo

Musangano we Kimberly Process uri kuzeya nyaya yekuti Zimbabwe yopihwa mvumo here kana kuti kwete yekutengesa mangoda ekwa Marange waenderera mberi neChitatu.

Musangano uyu uri kuitirwa ku St Petersburg mu Russia uko nhengo zhinji dziri kunzi dziri kutsigira gwaro renhumwa yeKimberly Process muZimbabwe, Va Abbey Chikane, rinoti Zimbabwe yaita zvishoma zvinodiwa ne KP kuti iwane mvumo yekutengesa mangoda ayo.

Musangano uyu watevera musangano wemazuva maviri weWorld Diamond Council waitaura pamusoro pemangoda eZimbabwe aya nedzimwe nyika dzinobata sangano iri. Musangano we World Diamond Council wakapera nezuro madeko nhengo zhinji dzichitsigira kuti KP itevedzere zvakautarwa naVa Chikane mugwaro ravo mushure mekuita ongororo mu Zimbabwe.

Va Paul Rumema-Chimhosva wanoongorora zvematongerwe enyika, uye vachishanda vari muSouth Africa. Va Chimhosva vanoti KP inofanira kupa Zimbabwe mvumo diki yekutengesa mangoda aya pasi peongororo ye KP kuitira kuti zvinhu zvakaita semvura yekunwa yakachena nezvipatara zvigadziriswe. Vati mvumo huru inozofanira kuuya kana Zimbabwe yava nehutongi hwejekerere.

XS
SM
MD
LG