Accessibility links

Breaking News

Kimberley Process Yonetseka paNyaya yeZimbabwe


Nhengo dze Kimberly Process dziri kusangana ku Jerusalem, Israel, hadzisi kuwirirana pamusoro pemangoda ekwa Marange. Kimberly Process yatadza zvakare neChitatu kubuda nechisungo pamusoro pemangoda ekwaMarange.

Nyaya iyi yakapinzwa mudariro neMuvhuro, asi ikazombosendekwa, mushure mekunge gurukota rezvemigodhi, Va Obert Mpofu, vakumbira nguva yekutanga vazeya gwaro reKimberly Process.

Nyaya yeZimbabwe yazonzi ichataurwa nezvayo neChina panopera musangano uyu. Nyika dzekumavirira dzinonzi dziri kuti Zimbabwe haifanirwe kupihwa mvumo yekutengesa mangoda pasina muongorori we Kimberly Process.

Nyika idzi dzinoti Zimbabwe haisi kuchengetedza kodzero dzavanhu kwaMarange, uye iri kuita zvehuori panyaya dzemangoda. Asi dzimwe nyika, zvikuru dzemu Africa, dziri kutsigira Zimbabwe kuti itengese yega mangoda ayo.

Ukuwo VaMpofu vanoti Zimbabwe ichatengesa mangoda ayo kunyange Kimberly Process ikatadza kubuda nechisungo chinotsigira Zimbabwe. Va Shamiso Mtisi, mumiriri weKP mumasangano akazvimirira ega muZimbabwe, vati nhengo dzeKimberly Process dziri kuzeya nyaya iyi kuitira kuti pave nechisungo.

Zvichakadaro, sangano re Affirmative Action Group, rakamirirwa nemutungamiri waro, Va Supa Mandiwanzira, pamwe nemunyori waro, Va Tafadzwa Musarara, avo vari muJerusalem, rinoti kana KP ikasapa Zimbabwe mvumo yekutengesa mangoda ayo pachena, ichakurudzira kuti Zimbabwe itengese kunze kwe KP nekuti pane dzimwe nyika dzakawanda dziri kuda mangoda aya dzisinei ne KP.

Gift Phiri mutori wenhau akaberekerwa kwaMarange, uye ari kutevera zviri kuitika pamangoda ekwaMarange. Phiri anoti KP inofanira kupa Zimbabwe mvumo yekutengesa mangoda ayo nekuti mari ingaramba ichienda muhomwe yevashoma, kwete yenyika.

XS
SM
MD
LG