Accessibility links

Breaking News
Mutevedzeri wemutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, vanoti vatsigiri vebato ravo vanofanirwa kuramba vakashinga pamwe nekabatana, kuitira kuti Zanu PF ikundikane muhurongwa hwayo hwavati hwakanangana nekuda kuputsa bato ravo.

Vachitaura pamusangano wavaita kunhandare yeMkoba mu Gweru neSvondo, Muzvare Khupe vati chinangwa che Zanu PF ndechekukonzeresa kusawiririrana mu MDC-T, kuitira kuti vatsigiri vebatoi iri, vapandukire mutungamiri waro, Va Morgan Tsvangirai.

Asi Muzvare Khupe vati izvi hazvifi zvakaitika, vachiti vatsigiri vebato ravo vanofanirwa kuramba vakabatana nekuti bato ravo ratotanga kare kugadzirira sarudzo dzichaitwa muna 2018.

Vatiwo vava nehumbowo hutsva hwakadzama hunoratidza kubiridzira kwakaitwa sarudzo neZanu PF. Vati vachaendesa humbowo uhu kusangano remubatanidzwa wenyika dzemu Africa, re African Union nekuSADC.

Musangano wemuGweru, uyo unonzi wapindwa nevanhu vanodarika zviuru gumi nezvishanu, wanga uri wekupemberera kukunda kweMDC-T mudhunhu reMidlands.

Asi Zanu PF inoti haineyi nezviri kuitika muMDC-T, ichiti zvainoziva ndezvekuti vanhu havachada bato iri.

Asi mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti musangano wavo wemuGweru wanga uri wekusimbisana kuti varambe vakabatana sebato.
XS
SM
MD
LG