Accessibility links

Breaking News

VaKenyatta naVaOdinga Vovimbisa Kugadzirisa Makakatanwa Avo MuKenya


VaUhuru Kenyatta naVa Raila Odinga
VaUhuru Kenyatta naVa Raila Odinga

Mutungamiri weKenya VaUhuru Kenyatta vaita musangano nemutungamiri webato guru rinopikisa munyika iyi, VaRaila Odinga, mukuedza kwevatungamiri vaviri ava kutsvaga nzira dzekupedza gakava munyika iyi.

Mutungamiri weKenya VaUhuru Kenyatta vaita musangano nemutungamiri webato guru rinopikisa munyika iyi, VaRaila Odinga, mukuedza kwevatungamiri vaviri ava kutsvaga nzira dzekupedza nadzo gakava rakakonzerwa nezvakabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika dzakaitwa gore rapera.

VaOdinga Vaipikisa zvakabuda musarudzo idzi, mushure mekunge VaKenyatta vanzi ndivo vakanga vakunda sarudzo dzekutanga, idzo dzakazonzi dzaive dzisina kufambiswa zvakanaka.

Izvi zvakazoita kuti dzidzokororwe, asi VaOdinga vakaramba kupinda musarudzo dzepiri idzi vachiti pane zvavaida kuti zvitange zvagadziriswa, izvo zvakazoita kuti VaKenyatta vapinde voga vachibva vakunda zvakare.

Izvi zvanga zvakonzera kusagadzikana kwenyika iyi, uye kuurayiwa kwevanhu vanodarika chiuru.

Kusangano kwetungamiri vaviri ava ndekekutanga kubva pakaitwa sarudzo idzi, uye vaudza vatori venhau kuti vachashanda pamwechete kuti nyika yavo iende mberi murunyararo.

“Tave kutanga nhaurirano dzekutsvakurudza chakanyanya kuita kuti tive nemaonero akasiyana azokonzera kuti tive nekusawirirana pakati pedu,” VaKenyatta vadaro.

"Yakwana nguva yekuti tigadzirise zviri kuita kuti tisawirirane,” VaOdinga vatsinhirawo mashoko aVaKenyatta aya.

Asi dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti kugadzirisa makakatanwa pakati pevatungamiri vaviri ava kwakaoma sezvo nyika yavo ichinetseka zvikuru nenyaya yemarudzi.

Asi mumwe anoongorora zvematongerwo enyika, VaPromise Sande, vatiwo dai vanoita zvematongerwo enyika muZimbabwe vaonawo gwara iri, vadzidzawo kuti zvakakosha kuti vatungamiriri vemapato anopikisana vaise zvido zvevanhu pamberi pekupokana kwavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG