Accessibility links

Breaking News

Sarudzo Dzosiya Nyika Izere neMarara


Bazi reEnvironemental Management Agency, kana kuti EMA, rinoti riri kushushikana zvikuru nekusvibiswa kwakaitwa nzvimbo dzakawanda nemapato apo vezvematongerwo enyika vaitsvaga rutsigiro.

EMA inoti vanhu ava nemapato avo vakasvibisa nharaunda nekunamira mifananidzo yavo nemapato avo pamiti nemidhuri yezvivakwa munyika yose.

Mutauriri weEMA, VaSteady Kangata, vanoti makanzuru ematunhu navese vakasvibisa nharaunda vanofanirwa kuchenesa nzvimbo idzi kuitira kuti nyika igare yakachena.

VaKangata vanoti kunyange hazvo vasiri kufara nenyaya yemaposita, havasati vatanga kusunga vanhu nenyaya iyi asi vanogona kutanga kuzviita.

VaKangata vanoti zvakakosha kuti vemapato ezvematongerwo enyika nevamwe vese varemekedze kodzero dzemiti nezvivakwa.

Mutauririr weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti ichokwadi chiri kutaurwa naVaKangata chekuti mapato ezvematongerwo enyika anofanirwa kubvisa maposita nezvimwe zvese zvaaishandisa pakutsvaga rutsigiro sezvo sarudzo dzakapfuura.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwai, vanoti maposita ebato ravo akabviswa nebato reZanu PF uye chitsvambe chasarira kuZanu PF kuti ibvise maposita ayo.

Staudio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF sezvo mutauriri webato iri, VaRugare Gumbo, vanga vasingabatiki parunhare.
XS
SM
MD
LG