Accessibility links

Breaking News

Kambani YeZESA Inokwidza Mubhadharo Wemagetsi


Kambani yemagetsi yeZimbabwe Electricity Regulatory Authority yazivisa kuti yakakwidza mutero wemagetsi nezvikamu zvinodarika makumi matatu kubva muzana kubva musi wa 1 kukadzi.

Mashoko aya anopesana neakabuda kutanga kwesvondo rino ekuti magetsi achadzikiswa nezvikamu makumi mana nezvitatu kubva muzana mukupera kwemwedzi uno.

Kukwira kwemagetsi kunoreva kuti voruzhinji vachange vobhadariswa madhora makumi mana pamwedzi kubva pamadhora makumi matatu.

Va Fullard Gwasira ndivo public relations manager weZESA holdings. Brenda Moyo weStudio 7 aita hurukuro navo kuti vatiudze zviri kutora nzvimbo.

Va Prosper Chitambara inyanzvi mune zvehupfumi, uye vachishanda neLabor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe. Sandra Nyaira we studio 7 aitawo hurukuro navo pamusoro penyaya iyi.

XS
SM
MD
LG