Accessibility links

Breaking News

Magweta: Vamwe Vasungwa Votyorerwa Kodzero Dzavo neHurumende


Ongororo ichangobva mukuitwa nemasangano anomirira magweta munyika pamusoro pemabatirwo anoitwa vanhu vanenge vasungwa munyika inoratidza kuti majeri emunyika akazara nevanhu vasati vatongwa.

Izvi zvinonzi zviri kukonzera kuzara kwemajeri nevanhu vasingakodzeri kunge vari mumajeri aya.

Zvakabuda muongororo iyi, iyo yakaitwa neZimbabwe Lawyers for Human Rights neZimbabwe Law Society, zvinoratidza kuti zvikamu makumi matatu kubva muzana zvevasungwa vari mumajeri ava, vanhu vasati vatongwa.

Ongororo iyi inoburitsawo pachena kuti magariro emumajeri nemuzvitokisi zvemapurisa haana kunaka.

Vachiparura zvakabuda muongororo iyi, VaCharlton Tsodzo, avo vaitungamira ongororo iyi, vati vasungwa ava vanenge vasati vatongwa vanogara mujeri kwenguva yakareba nekuda kwezvikonzero zvakawanda zvinosanganisira huwori pamwe nezvimwe.

Vati vamwe vanhu vanoendeswa kujeri vanofanira kunge vachibhadhariswa mafaindi kuitira kuti majeri asazara.

Vanotiwo zvakakosha kuti hurumende ipe vese vane chekuita nekutongwa kwemhosva vakaita semapurisa, vatongi nevachuchusi mihoro inofadza kuitira kuti nyaya dzitongwe nechimbi chimbi pasina huoro hunoitika.

Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvemitemo, Muzvare Jessie Majome, vatambira zvakabuda muongororo iyi uye vanoti zvakakosha kuti hurumende itambire izvi kuitira kuti ikwanise kuvandudza mashandiro emajeri, matare edzimhosva, mapurisa nemagadhijere.

Vanotiwo zvakakosha kuti nyaya dzitongwe nechichimbi kuitira kuti vanhu vasagare mujeri kwenguva yakareba vasati vatongwa sezvo izvi zvichityora kodzero dzavo.

Muzvare Majome vanoti komiti yavo iri kushushikana zvikuru nemamiriro akaita zvinhu mumajeri panyaya dzekushaya mari yekushandisa yakakwana, kushaya chikafu nezvimwe zvinodiwa. Vanoti komiti yavo iri kutaurirana nebazi rezvemutemo kuti rigadzirise nyaya iyi.

Vati kunyange hazvo pane vasungwa vanodarika zviuru zviviri vakaregererwa nguva pfupi yapfuura, zvinhu zvichakaminama mumajeri nekuti hurumende iri kutadza kupa majeri mari inokwana kuti ariritire vasungwa vese.

Zimbabwe ine majeri makumi manomwe nemaviri uye ainge aine vanhu vakawandisa kudarika vaanokwanisa kuchengeta izvo zvakazoita kuti mutungamiriri wenyika aregerere vamwe vasungwa nguva pfupi yapfuura.

Munyori webazi rezvemitemo, Amai Virginia Mabhiza, avo vange vakatarisirwa kuvepo pakuparurwa kwezvakabuda muongororo iyi, vatadza kuuya.

Asi vamwe vashandi vebazi ravo vanoti bazo ravo richazeya zviri mugwaro iri kuitira kuti rione kuti pane zvaringashandise here pakuvandudza mashandiro emajeri nemamwe mapazi anoona nezvekutongwa kwedzimhosva munyika.
XS
SM
MD
LG