Accessibility links

Breaking News

Kutongwa kweNyaya yeNyanga dzeNzou Kobatawo Mwana waVaMnangagwa


An elephant tusks batch seized from traffickers by Ivorian wildlife agents is pictured in Abidjan, Ivory Coast, Jan. 25, 2018.
An elephant tusks batch seized from traffickers by Ivorian wildlife agents is pictured in Abidjan, Ivory Coast, Jan. 25, 2018.

Pane varume vaviri vamiswa pamberi pematare nhasi vachipomerwa nyaya yekutengesa nyanga dzenzou zviri kunze kwemutemo munyaya inonzi ine chekuita nemwana wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Varume vaviri vanoti VaFaricken Madzinga pamwe naVaTafadzwa Madzinga vamiswa pamberi pedare ramejasitiriti muHarare vachinzi vakabatwa vachitengesa nyanga dzenzou dzinokosha zviuru makumi maviri nezviviri zvemadhora kuchizvarwa chekuAustralia, VaAdrian Steirn zviri kunze kwemutemo.

Muchuchisi wenyaya iyi, Amai Francis Mukumbiri, vaudza dare kuti VaMadzinga avo vaityairwa naVaPamire vakabatwa muHarare muna Kukadzi mushure mekunge mapurisa awana runyerekupe rwekuti VaMadzinga vaida kutengesa nyanga dzenzou zvisiri pamutemo.

Gweta revasungwa ava, VaGift Mtisi, vaudza dare kuti pane magwaro akawanda avanoda kuti vasungwa vaaone nyaya iyi isati yatongwa anosanganisira pasipoti yaVaSteirn, magwaro anoratidza kuti vaiva nemvumo yekushanda semutori wenhau munyika pakaitika nyaya iyi sezvo mapepa avo ari pamberi pedare achiratidza kuti mutori wenhau.

VaMtisi vati vanodawo zvakare kuti kambani yeEconet ipe huchapupu hunoratidza kuti gwaro raburitswa nehurumende rinonzi rinoratidza manhamba akafonwa naVaSteirn ndiyo yakaburitsa gwaro iri.

Vaenderera mberi vachiti vanoda kuzivawo kuti anonzi Anna Helena Rubik uyo anzi nemuchuchisi chizvarwa chekuPoland ane hukama hupi naVaSteirn avo vave mufakazi wehurumende panyaya iyi sezvo VaSterin vaishandisa nhamba yenharembozha yakanyoreswa muzita raVaRubik.

Asi muchuchisi wenyaya ati VaSteirn havazivane naVaRubik sezvo vakangotengawo sim card kubva kune vanotengesa mumigwagwa rakatonyoreswa kare.

VaMtisi vati ikokdzero dzevasungwa kuve nemapepa ose achashandiswa nehurumende mukutongwa kwenyaya iyi.

Mapepa asvitswa kudare nehurumende akabva kukambani yeEconet anoratidza kuti VaSteirn vaifonerana nemwana wemutungamiri wenyika, VaTariro Mnangagwa.

VaMtisi vati vari kutoda kuongorora kuti chii chakanyatsoitika sezvo vachiti vakapihwa mapepa ekupomera VaMadzinga mhosva nemusi weChishanu zvisina kuvapa nguva yakakwana yekugadzirira kunzwikwa kwenyaya iyi mudare.

Mutongi wedare, Amai Josephine Sande, vati nyaya iyi idzoke kudare musi wa31 Chivabvu apo hurumende inotarisirwa kunge yapa magweta evasungwa mapepa ose avakumbira ane chekuita nezvenyaya iyi sezvakatarwa mumurawu kuti musungwa wese ane kodzero dzekuwana mapepa ose achashandiswa nehurumende pakutongwa kwenyaya yaanenge achipomerwa.

VaSteirn, avo vanga vari mudare nhasi, vakaudza sangano renhau reAljazeera kuti nyaya iyi inobatabata Amai Grace Mugabe avo vavanoti vaitengesa nyanga dzenzou kunze kwenyika zvisiri pamurawu.

Mudare nhasi hamuna kutaurwa kuti ndezvipi zvakaitwa naAmai Mugabe zvine chekuita nekutengeswa kwenyanga dzenzou idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG