Accessibility links

Breaking News

Iran Inoti Ichabatsira Hurumende yeZimbabwe


Va Ahmedinejad vakati nyika yavo icharamba yakamira ne Zimbabwe, asi havana kutaura kuti vachabatsira kurwisa zvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo nenzira ipi.

Iran inoti ichabatsira Zimbabwe kurwisa zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, nevamwe vavo muZanu-PF, nenyika dzakabudirira.

Mashoko aya akataurwa neMuvhuro manheru nemutungamiriri we Iran, Va Mahmoud Ahmedinejad, apo vakasangana negurukota remuhofisi maVa Mugabe, Va Didymus Mutasa, avo vari kushanya ku Iran.

VaAhmedinejad vakati nyika yavo icharamba yakamira neZimbabwe, asi havana kutaura kuti vachabatsira kurwisa zvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo nenzira ipi. Vakakurudzira kushanda pamwe chete kwenyika mbiri idzi munyaya dzehupfumi nezvimwe zvakadaro.

Va Mutasa vakakumbira Iran rubatsiro rwekuvaka zvipatara mumatunhu eZimbabwe, rubatsiro munyaya dzehunyanzvi munyaya dzakasiyana siyana idzo dzinosanganisira hunyanzvi hwekubatsira vanhu kana nyika ichinge yawirwa nedambudziko asingakonzerwi nevanhu.

Va Mutasa vakakumbira zvakare rubatsiro munyaya dzeruzivo munyaya dzekubatsira varwere muzvipatara vanenge vakuvara zvakaipisisa nezvimwe zvakadaro.

VaJoy Mabenge inyanzvi munyaya dzezve matongerwe enyika uye vachishanda ne Institute for a Democratic Alternative Zimbabwe (Idazim). Va Mabenge vanoti hurumende yemubatanidzwa inofanira kungwarira kushandiswa neIran mubopoto rayo nenyika dzakabudirora, zvikuru America.

XS
SM
MD
LG