Accessibility links

Breaking News

Udenge: Zimbabwe Inofanirwa Kusimudzira Mabhizinesi Munyika


map of zimbabwe
Bazi rezvemari rinoti makambani mazhinji akavharwa anofanirwa kuvhurwa nekukasika kuitira kuti hupfumi hwenyika husimukire.

Izvi zvataurwa nemutevedzeri wegurukota rezvemari, Va Samuel Undenge, pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare neMuvhuro.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau vaine chikwata chevemabhizimusi veku South Africa chiri kushanya munyika, Va Undenge vati hurumende iri kuda kuti makambani mazhinji akavharwa avhurwe kuitira kuti hupfumi hwenyika husimukire kubudikidza nekuwanisa veruzhinji mabasa.

Vachitaurawo pamusangano uyu, mutevedzeri wegurukota rezvekutengesarana ku South Africa, Amai Elizabeth Thabethe, avo vari kutungamira chikwata chevemabhizimusi, vanoti hurumende yaVa Jacob Zuma iri kuda kudyidzana ne Zimbabwe uye makambani mazhinji akazvipira kuita mabhizimusi muno.

Amai Thabethe vati kutengeserana pakati pe Zimbabwe ne South Africa kuri kuramba kuchiwedzera gore negore.

Vachipindura mibvunzo yevatori venhau yekuti chirongwa chehurumende chekuendesa hupfumi kuvatema hachizokanganisa here kuvambwa kwemabhizimusi munyika nevekunze, VaUndenge vati hurumende ine matanho airi kutora kuti izvi zvisaitike.

VaUndenge vati hurumende iri pakati pekuumba hurongwa hwekuvandudza hupfumi huri kudaidzwa kuti Zimbabwe Program for Socio-Economic Transformation uhwo hwavati huchaparurwa munguva pfupi iri kutevera.

Chikwata cheku South Africa ichi chiri kutsvaga mikana yekuita mabhizimusi muZimbabwe uye chiri kupindawo musangano wemazuva mashanu uri kuitwa mu Harare uye wakatarisirwa kupera ne Chishanu.
XS
SM
MD
LG