Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Inoitika paMuzinda weMDC muHarare


MDC violence
MDC violence

Paita mhirizhonga pamuzinda weMDC pakati pevatsigiri vemutungamiri webato iri VaNelson Chamisa nevatsigiri vevaimbova munyori mukuru mubato iri, VaDouglas Mwonzora.

Hwaswera huri hwekiti negonzo pakati pevatsigiri vaVaChamisa pamwe nevatsigiri vaVaMwonzora pamuzinda webato reMDC paMorgan Tsvangirai House izvo zvaita kuti vanhu vane chitsama vakuvare uye vamwe vatatu vasungwe.

Mumwe wevarohwa ava, VaBenard Nyaika, avo vati vanotsigira VaMwonzora, vati mhirizhonga iyi yatanga panga poda kutanga musangano wekomiti yepamusoro yebato iri vachiti panga paine runyerekupe rwekuti VaMwonzora vanga vachida kurambidzwa kupinda mumusangano uyu.

Mumwe atiwo mutsigiri waVaMwonzora, VaNeigbhor Login Masala, vati mhirizhonga yaitika iyi yakonzerwa nemutungamiri weboka revechidiki mubato iri, VaObey Sithole, pamwe nemunyori muboka revechidiki, VaOstallos Siziba.

Tapa VaSiziba mukana wekuti vapindure, asi vati havachabvumidzwa kutaura nevatori zvichitevera musangano waitwa neMugovera.

Asi VaSithole vati havana chavanoziva nezvaitika izvi sezvo vaswerea vari mumusangano wanga uchiitirwa pamuzinda webato iri.

Mumwe wevatsigiri vaVaChamisa vanga vari pamuzinda webato iri, VaLuckson Dick, vapomera VaMwonzora mhosva yekushanda pamwe chete naMuzvare Thokozani Khupe avo vari kutungamira bato reMDCT.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC, VaLuke Tamborinyoka, vati havana chavari kuziva nezvemhirizhonga iyi.

VaTamborinyoka vati musangano wavo wanga uchizeya nyaya dzakakoshera nyika kwete zvemhirizhonga inonzi yaitika pamuzinda wavo.

VaMwonzora vapindawo musangano uyu kunyange hazvo motokari yavo ichinzi yapwanywa mahwindo pamhirizhonga iyi.

VaChamisa vakagadzwa nekomiti yeNational Council semutungamiri webato iri pakafa VaTsvangirai izvo zvakazotsinhirwa nekongiresi yakaitwa mwedzi mishoma yadarika

Vane ruzivo nezvaitika mumusangano uyu vati VaMwonzora vari kupomerwa mhosva yekuda kuti paitwe kongiresi yechimbichimbi zvichitevera kufa kwakaita vaimbova mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, vari kuvatsigira vachiti kongiresi yakaitwa kuGweru mwedzi mishoma yadarika yakaitwa zvisiri pabumbiro reMDC.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaMwonzora sezvo vanga vari mumusangano.

Pataenda pamhepo musangano webato iri wanga uchangopera asi hatina kukwanisa kunzwa zvisungo zvabuda mumusangano uyu.

Asi vane ruzivo nezvaitika mumusangano uyu vati VaMwonzora vanga vachitsika madziro vachiti musangano uri kurasa gwara nekusatevedza bumbiro remitemo yebato.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG