Accessibility links

Breaking News

Interpol Yoramba Kubatsira ZRP Kusunga VezveMatongerwo eNyika Vakatiza muZimbabwe


VaGodwin Matanga
VaGodwin Matanga

ZRP, inoti iri kushushikana zvikuru kuti iri kutadza kudzora munyika vanhu vaimboita zvematongerwo vakatiza vari kupomerwa mhosva nekuda kwekuti, Interpol, haisi kuda kuvabatsira.

Interpol inonzi yakaudza vezvematongerwo enyika kuti haipindire munyaya dzezvematongerwo enyika.

Vachipa pfungwa dzavo pamusoro peInternational Treaties Bill, pamusangano wange wakarongwa nekomiti inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga vati kunyange hazvo Interpol ichusingirwa kubatsira ZRP kana ichida vanhu vanenge vari kune dzimwe dzinyika, pari zvino izvi handizvo zviri kuitika.

Vati nekuda kwaizvozvo vachanyorera kubazi rezvemukati menyika kuti kana zvichibvira riite zvibvumirano nenyika dzine vanhu vanodiwa neZimbabwe kuti vadzorwe vazomiswa mumatare edzimhosva muno.

Imwe nhengo yekomiti iyi, Amai Barbra Rwodzi, vaudza VaMatanga kuti ZRP inofanira kusunga vanoita zvematongerwo enyika pavenenge vapara mhosva kwete kuzovatsvaga kana vachinge vasiyana nezvematongerwo enyika kana kuti vachinge vaenda kunogara kune dzimwe nyika.

Asi VaMatanga vati munhu asingasungwe chete ari pabasa mutungamiriri wenyika.

VaMatanga havana kudoma vanhu vaimboita zvematongerwo enyika vari kudiwa kuti vazomira mumatare edzimhosva muZimbabwe.

Munyori mubazi rezvemukati menyika, VaMelusi Matshiya, vati chinodiwa panyaya yeZRP neInterpol kutaurirana pamwe nekuona kuti chibvumirano chavo chekudyidzana chinoti chii.

Hatina kukwanisa kunzwa divi reInterpol panyaya iyi. Sachigaro vekomiti yekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindess Paradza, vati musangano wanhasi wange uine chinangwa chekunzwa kubva kupmapazi ehurumende kuti sei Zimbabwe ichisaini zvibvumirano nemasangano akaita sanaUnited Nations, African SADC nemamwe masangano asi isingazo iise zvibvumirano izvi mumitemo yayo.

VaParadza vati zvinosuwisa kuti kutanga kwegore rino, Ishe Charumbira vakatadza kusarudzwa kuve mutungamiriri wePan Africa Parliament nekuda kwekuti Zimbabwe haisati yaisa runyoro rwavo chibvumirano chePan African Parliament.

Asi VaMatshiya pamwe nevange vakamirira munyori mubazi rezvekudydzana nedzimwe nyika, Steward Nyakotyo, vati hurumende iri kuedza napose painogona napo kuona kuti nyika yaiisa mumutemo zvibvumirano zvese zvainenge yasaina.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG