Accessibility links

Breaking News

Vazhinji Vorara Mumitsetse Kuti Vatore Zvitupa


Chinhoyi ID Lines
Chinhoyi ID Lines

Vanhu vakawanda muChinhoyi nenzvimbo dzakaipoteredza vari kutadza kutora zvitupa kuti vakwanise kunyoresa kuvhota muchirongwa chiri kuitwa nyika yose.

Vanhu vakawanda ava vari kurara pamitsetse yemahofisi ekwamudzviti kuti vakwanise kuwana zvitupa zvekuzoshandisa kunyoresa kuvhota.

Wongororo yaitwa neStudio 7 yaratidza kuti vanhu vakawanda vari kutanga vatora magwaro ekuzvarwa vozotora zvitupa izvo zviri kupa kuti vakawanda vatore mazuva akawanda vachienda kumahofisi ekwamudzviti.

Vashandi vekwamudzviti vari kuyamura vanhu makumi mashanu kusvika pazana pazuva izvo zvinokonzera kuti vakawanda vadzoswe vasina kuyamurwa vachizodzoka zuva rinotevera.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaHosiah Kakwere, vanoti varara pamutsetse kuti vakwanise kuwana chitupa chavari kuda kuti vakwanise kunyoresa kuvhota.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mugari akabva kwaZvimba, VaTaurai Kasanze, avo varara pamutsetse, vanoti kunonoka kuri kuita vashandi vekwamudzviti kuti vanhu vakawanda vasanyorese kuvhota.

Mumwe mudzimai anobva kuHurungwe, Amai Chenai Chemhere, avo vakauya kuChinhoyi neChipiri, vanoti havana hama muChinhoyi izvo zviri kupa kuti varare pamutsetse pamudzviti.

VaKakwere vanoti vari kuda kutora chitupa kuti vakwanise kunyoresa kuvhota asi chinono chevashandi vekwamudzviti chavabvisa chishuwo chekuda kunyoresa kuvhota.

Amai Chemhere vanoti vari kutora mukana wekutora magwaro ekuzvarwa nechitupa pachena zvavanga vasina sezvo Baba naAmai vavo vanga vasinawo.

Zvabudawo pachena kuti vamwe vanhu vari kuda kutora zvitupa pachena kwete nekuti havana asi zvitupa zvavainazvo hazvichanyatsoverengeki.

Kuwanda kwevanhu vari kuda magwaro ekuzvarwa nezvitupa kwava kukonzera huori kubva kune vanochengetedza mahofisi, guards, kusvika kuvashandi vekwamudzviti.

Vamwe vechidiki vave kurara pamitsetse sevari kuda kutora zvitupa vozotengesera vanenge vanonoka makadhi avanenge vapihwa nemadhora maviri kusvika pamadhora mashanu.

Mukuru wepaRegistar General muChinhoyi, VaKelvin Maturi, varamba kutaura nevatori venhau panyaya iyi vachiti havabvumirwe nemutemo webasa.

1 IDs Chinhoyi chigoriwa
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG