Accessibility links

Breaking News

Africa Yokanda ICC Mugango reUnited Nations Security Council


Nkosazana Dlamini Zuma
Nkosazana Dlamini Zuma
Sangano reAfrican Union, AU, riri kutarisirwa kutumira nhumwa dzaro kuUnited Nations Security Council mumazuva mashoma anotevera kuitira kuti riite hurukuro nedare iri pamusoro pezvichemo zvenyika dzemu Africa pamashandiro edare reInternational Criminal Court, ICC.

Dare iri rine muzinda waro muHague, kuNetherlands.

Nyika dzemuAfrica dziri kupomera dare iri mhosva yekuita rusarura ganda dzichiti nyaya zhinji dzatongwa mudare iri ndedzevatungamiri venyika dzemuAfrica.

Vakuru kuUnited Nations vaudza Studio 7 kuti dare reSecurity Council richagara mushure mekuita hurukuro nenhumwa dzeAU idzi.

Nhumwa dzeAU dziri kuda kuti dare iri risatonge vatungamiri venyika dzemuAfrica vanenge vari pazvigaro uye kuti rimbomira kutonga mutungamiri weKenya, VaUhuru Kenyatta, nemutevedzeri wavo, VaWilliam Ruto.

Kunyange hazvo AU yakati paitwe chikumbiro chekuti nyaya iyi imire, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanonzi nebepanhau reNewsday vakati VaKenyatta vaifanira kungoramba kuenda ivo nevamwe vozovatsigira.

Asi VaRuto vakaudza vatori venhau muNairobi neChitatu kuti vachaenda kudare re ICC iri kunoyedza kuzvichenura. Nyaya yeKenya inonzi ichanetsa kugadziriswa muSecurity Council umo munoda kuti nyika dzose dzibvumirane pachinhu chinenge chaiswa mudariro.

Nyika dziri zvigara dziripo mu UNSC iFrance, United States, China, Russia neBritain. Dzimwe nyika dzinochinjana kuchipinda muUNSC dzinoti Argentina, Australia, Azerbaijan, Guatemala, Luxembourg, Morroco, Pakistan, South Korea, Rwanda neTogo.

Panyika dzemu Africa, Rwanda chete ndiyo inonzi inonyatsotsigira danho reAU.

Nhengo yeZanu-PF, uye vari nyanzvi munyaya dzemitemo, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti nyika dzakabudirira dziri kuita zverusarura ganda pamashandiro eICC.

Chipangamazano musangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti AU inofanira kushanda neSecurity Council kugadzirisa zvichemo zvayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG