Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokwidza Mari Dzinobhadharwa neMakambani eMigodhi


Hurumende inoti iri kuronga kuwedzera mari dzinobhadharwa dzemitero nemakambani ekunze ari kuchera zvicherwa zvakaita segoridhe, mangoda, mhangura nezvimwe zviwanikwa.

Mari idzi dzichakwira kusvika mumiriyoni yemadhora kuti munhu awane rezenisi chete, mamiriyoni mashanu kunyorerana pasi nehurumende uye mari yepamwedzi yemitero.

Gurukota rezvemigodhi, Va Obert Mpofu, vanoti hurumende haisi kuzodzokera shure kunyange hazvo makambani aya ari kuchema chema achiti mari idzi dzakawandisa.

VaMpofu vanoti nyika iri kuwana mari shoma kubva kumakambani aya nokuti pane mitemo yekare kare yezvemighodhi isati yachinjwa iyo iri kuita kuti hupfumi hwenyika huburitswe munyika, veruzhinji vachisara vasina chavakabata.

Mutungamiri we Chamber of Mines mu Zimbabwe, Va Winston Chitando, vanoti izvi zvichakanganisa mashandiro emakambani makuru. Vamwewo vanoti vane mari dzavo vachasvibiswa moyo izvo zvinozoita kuti vasasime mari dzavo muZimbabwe.

Mutevedzeri waVaMpofu, Va Gift Chimanikire ve MDC-T, vanotiwo Zimbabwe iri kurasikirwa zvikuru mumitero inofanirwa kunge ichibhadharwa nemakambani ari kuita zvemigodhi muZimbabwe.

XS
SM
MD
LG