Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoongorora Chakauraya Vana kuParirenyatwa


Bepanhau reThe Standard rakaburitsa mashoko ekuti kuenda kuri kuramba kuchiita magetsi pachipatara ichi ndiko kwakakonzera kuti vana vanenge vachibatsirwa nemishina kuti vararame, vashaye zvisina tsarukano

Bazi rezvehutano rinoti riri kuita ongororo yemashoko anoti vana vanosvika gumi nevatanhatu vakafa pachipatara cheParirenyatwa mwedzi wapera nekuda kwemagetsi ari kunzi ari kutadza kusvika munzvimbo dzakakosha dzechipatara ichi.

Bepanhau reThe Standard rakaburitsa mashoko ekuti kuenda kuri kuramba kuchiita magetsi pachipatara ichi kwakakonzera kuti vana vanenge vachibatsirwa nemishina kuti vararame, vashaye zvisina tsarukano.

Studio7 yatadza kunzwa divi revakuru vechipatara ichi sezvo nhare dzavo dzanga dzisingadairwi. Asi vana mukoti pachipatara ichi vasingabvumidzwe kutaura nevatori venhau vanoti havana chokwadi kuti inyaya yemagetsi here kana kuti zvimwe zvinhu zvakaita kuti vana ava vafe.

Gurukota rezvehutano, Va Henry Madzorera, vaudza Studio7 kuti bazi ravo riri pakati pekuita ongororo kuti rizive chokwadi chezvakaitika kuti vana ava vafe uye kuti vangani vakawirwa nedambudziko iri.

Gurukota remhando dzemoto, Va Elton Mangoma, vanoti chipatara cheParirenyatwa chine dambudziko racho risineyi nekushaikwa kwemagetsi.

XS
SM
MD
LG