Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoderedza Mutengo weMagwaro eKufambisa


Hurumende yeZimbabwe neChitatu yakaderedza mutengo wemagwaro ekufambisa kana kuti mapasipoti ikarudzira kuti vese vari kugara kuSouth Africa vasina magwaro aya vaite izvi nechimbi chimbi.

Makurukota anoona nezvemukati menyika, Amai Theresa Makone naVaKembo Mohadi vakazivisa vatori venhau kuti pasipoti yemuZimbabwe yave kuita madhora makumi mashanu US$50 kutanga neChitatu kubva paUS$150 vati danho rekudzikisa mutengo wemapasipoti rakatorwa neChipiri nedare remakurukota mushure mekuona kuti mutengo wemapasipoti muZimbabwe uri pamusoro soro kudarika nyika dzese mudunhu rekuchamhembe kweAfrica.

Makurukota maviri aya azivisawo kuti hapana munhu achabhadhariswa mari yemuripo kana kuti penalty kana achinge arasa kana kubirwa pasipoti. Vatiwo vari kukurudzira chikamu chebazi ravo chinoona nezvemapasipoti chaRegistrar General kuti chione zvachingaite kuendesa vanhu vacho kuSouth Africa kumaguta akaita seJohannesburg, Durban neCape Town kunopa zvizvarwa zveZimbabwe mapasipoti.

VaMohadi vakurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zvese zviri kuSouth Africa zvisina mapasipoti kuti zvishandise mukana wazvapiwa nehurumende kuti zvitore mapasipoti nekuti zvichadzorwa kumusha kana zvisina mapepa akakwana.

Vati hurumende yeZimbabwe neSouth Africa dzakabvumirana muna Chivabvu kuti zvizvarwa zvese zvisina matsamba ekugara kana kushanda muSouth Africa zvaifanira kunge zvakagadzirisa nyaya dzemapepa muna Zvita.

South Africa yakatozivisa kuti vese vasina magwaro vachadzorerwa kumusha kupera kwazvita uye VaMohadi vati izvi zvakaitwa mushure mekunge ivo vatokumbira kuti nguva iyi ichiwedzera. Asi vamwe vanoti kuderedzwa kwemutengo wemapasipoti kuchaita kuti mitsetse yevanhu vanoda mapasipoti irebe zvakanyanyisa.

Asi vakuru vakuru vekwamudzviti kana kuti hofisi yaRegistra General inoti ichakawanisa kubatsira vanhu vese vanenge vachida mapasipoti. Amai Makone vanotiwo veruzhinji havafaniri kuchema chema nenyaya yekureba kwemitsetse kumahofisi ekwamudzviti nekuti kuderedzwa kwemutengo wepasipoti kwakanangana nekuti munhu wese awana pasipoti munyika.

XS
SM
MD
LG