Accessibility links

Breaking News

America Yozvipira Kubatsira Nyika Dziri Kunetsekana neHIV/AIDS


Musangano we 2012 International Aids Conference, uyo wakaparurwa neSvondo manheru, waenderera mberi neMuvhuro hurumende yeAmerica ichiudza veruzhinji kuti ichabatana nenyika dzepasi rose mukurwisa dambudziko re HIV/AIDS.

Vanoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muhurumende yeAmerica, Mai Hillary Clinton, vanoti hurumende yavo ichapa mari inosvika mamiriyoni makumi masere emadhora ichashandiswa pamadzimai ari kurarama neHIV munyika dzisina kubudirira kuitira kuti dzirwise kutapuriranwa kwehutachiona hwe HIV pakati pevana amai nevana vavo vacheche.

Amai Clinton vataura izvi pamusangano mukuru we 2012 International Aids Conference muWashington DC muAmerica.

Amai Clinton vaudza gungano iri kuti shuwiro yavo ndeye kuti pasave nevana vanoberekwa vane hutachiona kubva kuna vana amai vavo. Vatiwo hurumende dzepasi rose dzinofanirwa kuisa misoro pamwe chete kuitira kuti dzirwise izvi. Amai Clinton vaenderera mberi vachiti madzimai akakurumidzirwa kuvhenekwa kuti vane hutachiwona hweHIV here kana kuti kwete panguva iyo vanenge vakazvitakura, vanogona kuiswa pamishonga yekuti vasatapurire hutachiona uhu kuvana.

Amai Clinton vanoti hurumende yeAmerica pasi pechirongwa chinotungamirwa nemutungamiri we America, VaBarrack Obama, vari kurwisa zvakasimbarara kuti pasarambe pane vana vacheche vanozvara vaine hutachiona hweHIV.

Chirongwa ichi chine tarisiro yekuti pave nevana vachazvarwa vasina hutachiwana kunyange hazvo madzimai avo vanawo. Chirongwa ichi chinonzi chiri kuda kuti pave nevanhu vasina chirwere ichi pasi rose.

Mutungamiri wesangano reUNAIDS Regional Support Team For Eastern And Southern Africa, Amai Sheila Tlou, vaudza musangano uyu zvinokwanisika kuti HIV/AIDS irwiswe kana hurumende dzepasi rose dzikaisa misoro pamwe chete mukutsvaga nzira dzekurwisana neHIV/AIDS.

Amai Tlou vanoti vanofara nematanho ari kutorwa nedzimwe nyika ekuti makurukota ehurumende ave muzvirongwa zvekurwisa dambudziko iri.

Amai Tlou vaudza musangano uyu kuti vanofara kuti hurumende yeZimbabwe yakatumira mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Muzvare Thokozani Kuphe, kuti vave pamusangano uyu.

Zimbabwe ine vanhu vakawanda vari pamusangano uyu vanodanganisira vatori venhau.

XS
SM
MD
LG