Accessibility links

Breaking News

Hurumende yaVaCameron Yoburitsa muBritain Vanhu Vayakanyima Hupoteri


Gurukota rinoona nezvekupinda kwevanhu muBritain, Va Damian Green, vanoti kubva zvinhu zvachinja kuva nani muZimbabwe

Hurumende yeBritain inoti yava kutanga zvakare kudzosera zvizvarwa zveZimbabwe zvakanyimwa hupoteri munyika iyi nekuti zvinhu zvachinja kuva zviri nani muZimbabwe.

Gurukota rinoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu muBritain, Va Damian Green, vanoti kubva pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa, zvinhu zvachinja muZimbabwe, naizvozvo nyika yavo yava kutanga kudzosera kumusha vese vakanyimwa hupoteri.

Va Green vanoti mutemo mutsva uyu haurevi kuti Britain haichashoropodzi kumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe. VaGreen vanotizve nyika yavo icharamba ichipa hupoteri kune zvizvarwa zveZimbabwe nedzimwe nyika zvinenge zviri kumbunyikidzwa pachokwadi.

Britain, iri pasi pemutungamiri wenyika iyi munguva iyi, VaTony Blair, yakambomisa kudzosera vanhu vekuZimbabwe vakanyimwa hupoteri kumusha muna 2006

VaTaffie Nyamwanza igweta rinoshanda riri muBirmingham, mu United Kingdom. VaNyamwanza vati zvinoshamisa kuti hurumende yeBritain, iyo yava kutungamirirwa naVaDavid Cameron veConservative Party, yabvumirana kudzorera vanhu vekuZimbabwe vakanyimwa hupoteri munyika iyi zvinhu zvisati zvanyatsomira zvakanaka muZimbabwe.

XS
SM
MD
LG