Accessibility links

Breaking News

Hurumende neKomiti yeParamende yezveKunyorwa KweBumbiro Zvotosvorana paNyaya yekuBhadhara Mapurisa


Komiti yeparamende iri kuona nezvekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo kana kuti COPAC inoti haina mari yekubhadhara mapurisa uye inotiwo ibasa remapurisa kuchengetedza runyararo munyika zvisinei kuti abhadharwe here kana kuti kwete.

Vachipa humbowo mudare reparamende neMuvhuro maererano nemashandiro achaita komiti yavo nemapurisa apo pachange pachinyorwa bumbiro remitemo kukomiti yeparamende inoona nezvekudzivirirwa kwekunze pamwe nemukati menyika, masachigaro matatu eCOPAC anoti mapurisa akati anoda kubhadharwa pamwe nekutengerwa mota, peturo nedhiziri nezvimwe zvakadaro kuti akwanise kushanda neCOPAC.

Asi mumwe wemasachigaro ekomiti iyi VaMunyaradzi Paul Mangwana veZanu-PF vati komiti yavo haina mari yekupa mapurisa mari yaari kuda vachiti mari inodiwa nemapurisa ino fanira kubviswa nehurumende kwete nekomiti yavo.

Mamwe masachigaro ekomiti iyi VaDouglas Mwonzora naVaEdward Mkhosi vabvumirana naVaMangwana vachiti hazvina kunaka kuti mapurisa abhadharwe kuti aite basa.

Mapurisa akaudza COPAC kuti anoda mamiririyoni matatu emadhora ekuAmerica kuti akwanise kupa komiti iyi mapurisa churu achange achifamba nezvikwata makumi manomwe nezviviri zvichapinda munyika zvichibvunza vanhu zvavanoda kuti zvive mubumbiro idzva remitemo. Izvi zvaireva kuti chikwata chega chega cheCOPAC chaifanira kufamba nemapurisa gumi nemashanu.

Zvichitevera kutaurirana kwakaita mapurisa neCOPAC huwandu hwemapurisa hwakaderedzwa kusvika pamapurisa mashanu pachikwata chega chega.

Mapurisa akati haakwanisi kushanda necopac kana asati apihwa mari uye kusvika parizvino hazvisati zvabuda pachena kuti zvichafamba sei pahurongwa uhu.

Kunyange VaMangwana, VaMwonzora naVaMkhosi vati COPA yakatokumbira hurumende kuti izadzise zvido zvemapurisa, mukuru anoona nezvekufambiswa kwebasa muZimbabwe Rublic Police , Senior Assistant Commisioner,VaFaustino Mazango, vakaudza komiti yeparamende yezvekudzviirwa kwenyika kuti kunyange vakakwanisa kuendesa mapurisa kunenge kuchiitwa zvekunyorwa kwebumbiro remutemo, mapurisa anenge asingafaniri kushorwa kana kukaitika mhirizhonga.

Sachigaro wekomiti yezvekudzivirirwa kwenyika, VaPaul Madzore vati komiti yavo yange ichida kuziva zviri kuitwa neCOPAC paku chengetedza runyararo pakunyorwa kwebumbiro remutemo. Zvichitevera zvataurwa neCOPAC nezvakataurwa nemapurisa zviri pachena kuti hapana kujeka kuti runyararo ruchachengetedzwa here panguva iyo bumbiro idzvaremitemo rinenge richinyorwa.

Zvichakadai VaMangwana vati havakwanisi kutaura zuva richatanga kubvunzwa vanhu zvavanoda kuti zvive mubumbiro idzva remitemo sezvo paine zvimwe zvinhu zvinoda kushandiswa zvisati zvatengwa. Asi vati vanotarisira kuzivisa veruzhinji nezvezuva iri svondo rino. Vati mari yekushandisa yatovepo yose.

XS
SM
MD
LG