Hurumende inoti hurongwa hwekubayisa vana nhomba huri kufamba zvakanaka kunyange hazvo paine mashoko ekuti vamwe vaberki, kunyanya mudunhu reMatbeleland, havasi kuendesa vana vavo kuti vanobayiwa nhomba.
Hurongwa uhu hwakatanga musi wa 24 Chivabvu, uye hunopera musi wa 2 Chikumi. Vana vanosvika mamiriyoni mashanu vachabaiwa nhomba kuitira kuti vasabatwe nezvirwere zvakaita segwirikwiti.
Imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvehutano, VaBlessing Chebundo, vanoti kunyange hazvo hurongwa uhu huro kufamba zvakanaka, hurumende inofanirwa kugara pasi yoongorora kuti yakaita basa rayo here nemazvo.
VaChebundo vanoti nzvimbo dzinenge dzisina kusvikwa nechirongwa ichi, dzinofanirwa kusvikwa kuitira kuti vana vasabatwe nezvirwere.