Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVashandi veHurumende Hoburitswa neOngororo


Eliphas Mukonoweshuro

Hurumende inoti yava pedyo kupedza ongorooro yayo yekuona kuti ine vashandi vakawanda zvakadii.

Ongororo iyi inotevera gwaro rakaburitswa nehofisi ya Comptroller and Auditor General, iyo yakaburitsa kuti kune zviuru nezviuru zvevanhu vakapinzwa basa muhurumende nenzira isiri kwayo, zvikuru mubazi revechidiki.

Vamwe vevanhu ava vanonzi vari kutambira mari asi vasiri pamabasa.

Gurukota rebazi revashandi vehurumende, Public Service, Va Eliphas Mukonoweshuro, vanoti ongororo iyi, iyo iri kuitwa ne Enerst and Young yekuIndia, iri kutarisirwa kupera mwedzi unouya.

VaMukonoweshuro vati hurumende yakatora kambani yekunze kuti iite ongororo iyi, kuitira kuti zvichabudamo zvitambirwe nemapato ari muhurumende yemubatanidzwa, sezvo kambani iyi isina kwayakarerekera.

XS
SM
MD
LG