Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inotanga Chirongwa Kubaya Nhomba Dze Swine Flu


Vachishanda neWorld Health Organization, hurumende iri kutarisira kubaya vana vechikoro, madzimai akazvitakura, vashandi vebazi re hutano, vanhu vakuru nevanorwara nezvirwere zvava kunetsa kurapa

Hurumende yatanga chirongwa chekubaya vanhu nhomba senzira yekudzivirira chirwere che H1N1 kana kuti influenza ye swine flu, kunyange hazvo chirwere ichi chisina kuzopararira pasi rose sezvaifungidzirwa.

Vachishanda neWorld Health Organization, hurumende iri kutarisira kubaya vana vechikoro, madzimai akazvitakura, vashandi vebazi re hutano, vanhu vakuru nevanorwara nezvirwere zvava kunetsa kurapa.

Dr Portia Manangazira ndivo mukuru webazi rinowona nezvekudzvirirwa kwezvirwere kubazi rehutano. Vati pari zvino chirwere ichi chingangodzoka nehukasha saka Zimbabwe iri kuenda pamberi kudzivirira vanhu vainokwanisa kubatsira nemajekiseni aripo akabva ku WHO.

XS
SM
MD
LG