Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoronga Musangano Wekukwezva veMabhizimisi eKunze


Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti vekunze vangatouya kana nyika yagadzirisa nyaya dzezvehupfumi.

Hurumende inoti irikugadzirira kuita musangano mukuru uchapindwa nevanhu venyika dzekunze nemakambani makuru pasi rino vachivapa kurudziro yekuti vauye kuzotanga mabhizimisi munyika.

Musangano uyu uchadaidzwa kuti Friends of Zimbabwe Summit uye uri kutarisirwa kuitwa muna Kukadzi.

Uyu musangano wechipiri kubva zvakaumbwa hurumende yemubatanidzwa.

VaProsper Chitambara inyanzvi munyaya dzezveupfumi vachishanda nesangano relabour and Economic Development Research Institute. VaChitambara vanoti nyaya yekukwezva mabhizimisi ekunze inotoshanda chete kana hurumende ikatanga kuremekedza kodzero dzevanhu nezvimwe zvakadaro.

XS
SM
MD
LG