Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inogadzirisa Gakava Pakati PaVaMugabe neNestle


Kambani yeNestle yakamanikidzwa kumira kutenga mukaka kubva kumhuri yaVaMugabe sezvo vanorwira kodzero dzevanhu vachiti mutungamiri wenyika anotonga nedemo.

Gurukota rezvema Indastiri VaWelshman Ncube vanoti hurumende yatenderana nekambani yeNestle kuti ichitangezve basa muZimbabwe.

Kambani iyi yaimbenge yamisa basa ichiti mamwe makurukota ehurumende zvikuru ari kudivi reZanu-PF nevamwe vakuru vemapurisa vainge votyisidzira vashandi vayo nekuti kambani iyi yainge yaramba kutenga mukaka kubva kupurazi remhuri yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu ainge ati acharatidzira kana Nestle ikatenga mukaka kubva kunaVaMugabe nekuti vanonzi vanotyora kodzero dzevanhu. Nestle yakabva yamira kutenga mukaka uyu muna Gumiguru.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaPaul Chimhosva vati hurumende inofanira kupedza nyaya dzinoita kuti makambani akaita seNestle ade kubuda munyika vanhu vosara vasina mabasa.

XS
SM
MD
LG