Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi: Hurumende Ngaikumbire Ruregerero Pane Zvakaitika Munguya yeGukurahundi


Vamwe vanoongorora zviri kuitika munyika vanoti hurumende inofanirwa kukumbira ruregerero kuzvizvarwa zvekuMatebeleland neku Midlands pane zvakaitika munguva yeGukurahundi.

Nyanzvi idzi dzinoti ruregerero urwu runonyeutswa moyo yevanhu vemumatunhu aya, kuitira kuti pasava nekusawirirana apo pachauya chikwata chekuNorth Korea, icho chichange chichiita gadziriro yemitambo yayo ye2010 Soccer World Cup.

Mutauriri weCrisis In Zimbabwe Coalition, uye vari mutungamiri wesangano re Youth Initiative for Democracy in Zimbabwe, VaSidney Chisi, vanoti zvichemo zvematunhu maviri aya zvinofanirwa kuzeiwa nehurumende.

Mashoko aVaChisi anotevera matanho atorwa nehurumende ekuti dare remakurukota rimbozeya nyaya iyi neChipiri. Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, VaWalter Mzembi, vakaudza Studio7 kuti hurumende haisati yatara kuti North Korea ichatambira munhandare dzepi.

Zimbabwe ine nhandare nhatu dzinotambirwa ne FIFA dzekutambira bhora dzinoti Rufaro ne National Sport Stadium muHarare, pamwe neBarbourfield muBulawayo.

Vanhu vekuMatabeleland vari kupenga nenyaya yekuona kwechikwata chenhabvu chekuNorth Korea, icho chichange chiri muZimbabwe munguva yemakwikwi enhabvu e2010 World Cup muSouth Africa.

XS
SM
MD
LG