Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoda Kuendesa Vakoti Kune Dzimwe Nyika


VaMadzorera vanoti sezvo hurumende isina mari, zviri nani kuti pave nehurongwa hwakadai, kuitira kuti vari kutadza kuwana mabasa munyika, vakwanise kushanda kunze kwenyika

Bazi rehurumende rinoona nezvehuatno rinoti iri kuronga kuendesa kunze kwenyika vana mukoti, kuitira kuti vanoshanda vari ikoko. Bazi iri rinoti rinoda kuita izvi nekuti harina mari yekubhadhra vana mukoti vose vanenge vapedza zvidzidzo zvekuva vana mukoti.

Mashoko aya akataurwa negurukota rezvehutano, Va Henry Madzorera, muhurukuro yavakaita nebepanhau re Herald. VaMadzorera vanoti sezvo hurumende isina mari, zviri nani kuti pave nehurongwa hwakadai, kuitira kuti vari kutadza kuwana mabasa munyika, vakwanise kushanda kunze kwenyika.

VaMadzorera vanoti idzi ipfungwa dzavainadzo pari zvino, uye kuti izvi zviitike, zvichatora nguva yakareba sezvo nyaya iyi ichifanirwa kutanga yazeiwa nedare remakurukota, uye kana yatambirwa, yoshandiswa sechirongwa chehurumende.


Sachigaro ve Zimbabwe Doctors for Human Rights, Dr Douglas Gwatidzo, vanoti havawirirani nepfungwa dzehurumende.

XS
SM
MD
LG