Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inotara Hwaro hweMutemo weMakambani


Mutemo uyu waburitswa nhasi mu Government Gazettee. Pepanhau re New York Times rinoti vasingachengetedzi mutemo uyu, vanosungwa.

Hurumende neChipiri yakazivisa mashandiro achange achiita mutemo une chekuita nezvemabhizinisi, uyo unosungira kuti zvizvarwa zve Zimbabwe zvikwanise kuwanawo zvikamu zvehupfumi mumakambani ari munyika.

Hwaro hwemutemo uyu hwaburitswa mu Government Gazettee. Pepanhau re New York Times rinotiwo vasingachengetedzi zvinodiwa nemutemo uyu, vanosungwa.

Hurumende inoti makambani ese munyika anofanira kunyoresa kuti ndivanani varidzi vawo, uye kuti zvikamu zvingani zvevachena uye zvevatema zvinenge zviri mumakambani aya.

Asi gurukota rezvekurongwa kwehupfumi, Va Elton Mangoma, vanoti mutemo waburitswa uyu, hausi kuzovhiringidza mabhizimisi evachena, asi kuti unobatsira kutsanangura mutemo wenyika we Indigenisation Act.

VaMangoma vanoti vari kutaurirana nevamwe vavo makurukota ehurumende kuti vagadzirise pasinganzwisisiki mumutemo uyu.

XS
SM
MD
LG