Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshushikana neNyaya yeZvinodhaka Zviri Kuwanda Munyika


Mapurisa anoti zvinorwadza kuti vana vari kushandiswa nevanhu vekunze kuunza zvinodhaka munyika uye kuzviendesa kunze kwenyika

Hurumende inoti iri kushushikana nekuwanda kuri kuita zvinodhaka munyika zvakaita se heroine nezvimwe izvo zviri kupinda munyika zvichitengeserwa vechidiki munzvimbo dzavanotandarira nemuzvikoro.

Mashoko aya akabuda apo hurumende yaiparura svondo rekurwisa nyaya yekushandiswa kwezvinodhaka pasi rose, kana kuti International Day Against Drug Abuse.

Mukuru we Central Investigations Department anoona nezvinodhaka (drugs) Chief Superintendent Luckson Mukazhi vakati zvinorwadza kuti vana vari kushandiswa nevanhu vekunze kuunza zvinodhaka munyika uye kuzviendesa kune dzimwe nyika.

Vakati mapurisa ari kuita zvese zvaanogona kupedza dambudziko iri.

Gurukukota rezvehutano, Va Henry Madzorera, vanoti dambudziko iri riri kurwadza bazi ravo zvekuti vava kuita zvirongwa zvakawanda zvekuti vechidiki vazive kuipa kwezvinodhaka.

XS
SM
MD
LG